Monday 16 July 2012

Kurhojana nomufaro kunorapa zvigwere

Kurhojana kune mufaro mukati mushonga wezvigwere zvakatowanda. Ndichaitaura nyaya iyi pano. Pane zvigwere zvakawanda zvatinohwa mumiviri yedu nokuti hatitereri zvainoda. Sokuti ndiri muchitima kana bhazi riri kujata zvinoitisa zemo asi murume ari kubasa kana kumba ndinokwanisa kuita zemo ndozosvika kumba ndohwa musoro nokuti hapana zvandaita nezemo rangu.  Kana ukahwa nyota mvura iri kure, ukaita nzara chokudya pasina zvase izvi zvinokanganisa muviri. Kugarorhojana kunobatsira kudzivirira zvigwre zvakawanda.


Kunobatsira kuwedzera kuvata zvakanaka. Hakuna munhu asingadi kuvata zvakanaka. Unotohwa vanhu vachibvunzana kuseni kuti mavata sei/mamuka sei/makavata zvakanaka here? Nokuti tese tinoda kuvata zvakanaka.

KunobatsirakKuderedza PMT kuvanhukadzi. Chigwere ichi chinonetsa vakawanda asi kana rhoi yakawanda mumba chinoita chishoma mwedzi umwe noumwe.

Vanhu vanogarorhojana vanonoka kuchembera. Muchaona kuti murume ane mukadzi wechidiki anoramba arimutsva kwenguva. Mukadzi ane murume wechidiki anonoka kuchembera.

Urume mukatimemukadzi hunorapa zvigwere zvinoitika kana usina rhoji. Muurme mune semen plasminogen inouraya humwe utachiona uye kudzivirira zvigwere zvakaita se vaginitis, endometritis, salpingitis, zvinowandira vakadzi vanoita nguva vasina kuvata nevarume.

Chigwere chomoyo chinoderera kana uchiwanza rhoi. Zvikuru kuvarume. Inobatsirazve nyama dzomuchiuno, majoini emuviri wese, kuvamba kweropa ute kuti tsinga dzisaita diki.

Kugwadziwa pane zvese zvinogwadza kunoita kushoma. (Higher pain threshold)

Chigwere chemabhonzo chinohi osteoporosis chinoitika kuvanhukadzi zvakanyaya chinonoka kutanga kana uchigarorhojewa uchiswa urume uchipiwa orgasm

Ganda romunhu anokarira rhoji rakatsetseka kupfuura rouyo anoita kamwe pagore.

Mukadzi anogaroita anokasira kunyorova uye kugara akanyorova uku achibudira ma HORMONE aechikadzi anoita kuti agare achikwanisa kuzvara mwana kwenguva yakareba uye IMMUNE SYSTEM yake yakasimba, nokuti ropa riri kufamba zvakanaka mumuviri.

Chokupedzisira chandinoda kutaura ndechokuti rhoji inorapa musoro kuvarume nokuvakadzi. Kwahi kune vanhu vanoita 3% chete panyika yese vanoitiswa usoro nokuita orgasm. Kana mukadzi achihwa musoro, ngaamwe mvura yakawanda opiwa mushonga wemusoro nomurume wake. Ukanyatsa kurhojewa zvakanaka murume akakunonokera ari mukati paanozopedza musoro unenge watopora. Ukaona usingapori waita Orgasm enda undoona Doctor. 



ZVigwere zvaunobata kuvamwe:

Isu pano tinokurudzira chose kuva nomunhu umwe chate waunopa zvose iyewo achikupa zvose. 
Kurhojana nevanhu vakawanda kunoitisawo zvigwere. Unokwanisa kuita Cervical Cancer kana ukarhojana nevarume vanopfuura 6 muupenyu hwako. zvikuru kana musingashandisi makondhomu. Unokwanisaswe kana warhojewa nomurume akamborhoja vakadzi vakawanda kana kuti mukadzi akamborhojewa nevarume vakawanda kana kuti ukatanga rhoji unemakore ari pasi pe 18.

Unokwanisa kuita ma STI. Huru yacho inohi HPV, ne HIV, zvinova zvanetsa munyika dzatakauyira kuDiaspora  idzi. USA, Europe RSA, etc. 


Munhu umwe chate kana muchitaura makasununguka pauviri hwenyu anokwanisa chose chose kukupa zvakawanda zvinofadza moyo. 
UDZAI VAMWE!!!

No comments: