Friday 27 July 2012

Kunonoka kudiridzira mukadzi

Ukaona mukadzi achiita day dream about murume upi zvake, Day Dream yake inezvokurhojewa nguva yakareba reba. 

Iyi inyaya inofanira kuhwisisiwa nevarume vese nevakadzi vavo. Hakuna imwe nyaya huru kupfuura iyi pakurhojana kwenyu mumba. Kana murume achida kupiwa rukudzo nomukadzi wake, ngaadzidze kunonoka. Kunonoka ndiko kune KEY yeunyanzvi hwemurume. Zvimwe zvese tinokwanisa kuita nomurume asi kana achikasira hapana chokuita naye. Murume anokasira hapana chaakasiyana nomukadzi nokuti kurhoja haatombogoni hake zvachose. Kuti mukadzi ahi arhojewa, murume ngaanonoke. Hapanazve imwe nyaya inopfuura iyi. Varume hwisisai nyaya iyi purizi.

Muchaona kuti panyaya dzese ndinokurudzira varume kunonokera vakadzi vavo. Ngatiti kubva paunopinza kuzvika paunodiridzira tora nguva unopfuura 7 minutes, svika ten minutes kana uchikwanisa. Ndichada kumbotaura kuti zvinoitwa sei uye mukadzi angabatsira sei. Nyaya iyi iri munyika dzese asi vakadzi vevanhu vakadai vanogumbuka nazvo munyika dzese. Kana uri panyaya iyi, chero uri murume chero uri mukafdzi hausi wega pazviri. Kune vanhu vakawanda varipo, uye vamwe varume vanoti mamwe mazuva vanokasira, mamwe mazuva vanononoka, Saka haisi nyaya yokuseka vamwe pairi.

Inyaya yokubatsirana kuibvisa mumba menyu pasina kupokana nazvo.  Pane zvese zveRhoji, kana murume achikasira, hapana kunakigwa kwemukadzi. Kana iyewo murume haanakigwi zvakawanda. Kana akachenjera achakasira kuona kuti ari kukasirira mukadzi wake zvinoreva kuti mukadzi haasi kunakigwa.

Chokutanga kubvunza kuti unoziva sei kuti uri kukasirira mukadzi wako nokuti vamwe vakadzi chero murume wake akatora 20mites ari mukati mukadzi haamboiti big O. Chiororo rurimi chete pabhinzi pamukadzi akadai. Ukaona wamutadza norurimi chibva waziva kuti ane dambudziko guru.

Ndinokurudzira vakadzi kuti vataurire varume vavo kana murume ari anokasirisa iwe usati wapedza. Usatsoropodza murume kana kumumhura nokuti iye munhu anodawo kutokurhoja, uye pamwe haatombozivi kuti ari kukukasirira. Varume vakawanda havazivi kuti mukadzi kana achivata nomurume anofanirawo kuita orgasm kuti anzi apedza. Kana makaroorana mese musina kumbovata navamwe vanhu, munongodzidzisana pachenyu saka mukadzi akangopinzwa akadiridzigwa anongofunga kuti ndizvo zvazvinoita, ukuwo murume anenge asingazivi kuti kunakigwa kwemukadzi kunosvikepi. Musi waunotanga kupedza murume akuitira nguva, unotovhunduka nazvo nokuti manakire azvo ari pamusorosoro.

Pakutaurira murume unomutaurirawo murudo womuudza kuti pakukoira dai ambozamawo kuwedzera nguva nokuti anonaka hake asi ari kupedza iwe uchiri pakati pekunakigwa. Unomuudza kuhwa kwaunoita kana muri mese wotsanangura zvese zviri kuitika kwauri. Taura zvinohwisisiwa nomurume.

Toti murume ahwisisa, anobva atanga kufunga nezvazvo pamunovata mese. Kufunga uku kunoita kuti awedzere kukasira nokti anenge achitotya kukasira. Kana wamuudza usafunga kuti anotanga kunonoka musi iwoyo. Zvinotora nguva kuti murume azvihwisise uye azvigone. Asi kana wamubatsira akazvigona ndiwe unohwinha.

Zvokuzama kuita:
Chokutanga kuita kuwedzera rhoji. Kana mukaita kakawanda uchaona kuti murume haakasiri. Mukaita vhiki yese musina kuita, anongoti achipinza achitodiridzira, pasina nguva. Kana mukaparadzana kwenguva, pamunotangazve haatombononoki.  Saka kana uchiona kuti murume ari kukasirisa, wedzerai kuita pazuva. Kuwedzera kunoda mese muchikwanisa kutaura kuti "Ndoda Rhoji". Kana uri munhu wekumirira kuudzwa, zvichakunetsa kuti uudze murume kuti ngatiwedzere.

Chechipiri:
Murume ngaadzidze kuti akahwa oda kuita, omira kukoira ombobudisa chombo muchitubu, oramba achikubatabata nokupurudzira pamberi, nedzimwe nzvimbo dzomuviri dzinowedzera zemo, Mazamu, huro, dumbu, magaro zvidya, etc. Amboti zororei opinzazve otanga kukoira. Akahwa zvoda kuitika, omirazve, achingodaro kusvika mukadzi apedza, iye ozopinza hake okoira kusvika apedzawo.

Chechitatu:
Kana achangopinza, ombomira kukoira, moita tunyaya twakawanda iye asingakoiri. Izvi zvinoitisa kuti murume ajaire kuva mukati memukadzi asi asingadiridziri. Rega arimo kwekanguva, Kana achida kumwa zamu kana kunanzva minyatso, rega aite. Kana wada iwe, kana wakaita manhede murume ari pakati pemakumbo chombo chiri mukati, asingakoiri, fanoisa maoko pamberi pako uzvikwizirire wega iye achinanzva minyatso nokupurudzira zvimwe. Ukahwa zemo rakura chimuudzi akoire, asi ngaasawanza sipidhi yake kuti nguva iwande.

Chechina:
Murume anokwanisa kuti apinza uye ava kukoira, obva atanga kufunga zvinhu zvisinei nerhoji, Anokwanisa kufunga nezvokuvhima,kana kuuraya nyoka, kana kuteya mariva ekubata mbeva. Funga chimwe chinhu chaunoziva kuchiita chisineyi nezvauri kuita izvi. Chombo kumira kwacho nokukasira kudiridzira mukadzi zvinoitiswa nefungwa. Ukadhistebha fungwa zvinokunonosa kubudisa urume. Zvinoda Purakitizi yakawanda. Kuramba uchingodzidzira kusvika fungwa yajaira kusatumira SIGNAL yokuti diridzira.

Chechishanu:
Chinoitwa kana zvimwe zvese zvaramba, murume anokwanisa kuzvibudisira urume kwasara maawa maviri kuti mundovatana. Toti anoziva kuti muchavatana kuma 9 usiku, kuma 7 anokwanisa kutamba nechombo kusvika abusisa urume. Pakuzoti monovata, anenge asina unga hwakawanda saka anononoka kukudiridzira.  Chakaipira mutowo uyu ndechokuti iwe hako unonakigwa nokunonoka kwake asi iye hapana chaanodzidzisa muviri wake nazvo. Mamwe maitire atataura anodzidzisa muviri kuchinja RESPONSE panyaya yerhoji.

Chechitanhatu.
MASSAGE yechombo inoitwa nomukadzi. Mukadzi anoisa mafuta aya anonhuwira eMASSAGE anotengwa ku HEALTH FOOD SHOP. (Kana usina mafuta awa shandisa VIRGIN OLIVE OIL) Mombotamba henyu kusvika murume ati twii. Mukadzi otora mafuta ake ozora mumaoko ochitanga kupurudzira nokutamba nechombo. Nyaya iyi inoitigwa kuti fungwa yomurume nechombo chake zvese zvijaire kuti mukadzi akabata chombo hazvirevi kuti urume hwobuda. Mukadzi anotamba nechombo namaoko kudai, uchaona kuti chombo chinowedzera kuoma, tsinga dzoonekwa. Ramba uchidaro nemaoko uku uchiita nyaya nomurume dzine topic isina basa nezvauri kuita kuti adzidze kufunga zvemwe zvinhu. Iti akutsanangurire zvimwe zvinhu, sokuti vanhu vanorima sei nemombe, kana kuti akambofigwa nemota mumugwagwa here zvikazofamba sei?  Madaro nguva yakati rebei, musapinzana kana kuita chimwe chingaita urume hubude. endai munoita rimwe basa.

Mozodazve kudai imwe nguva kuda kashanu pavhiki kusvika murume adzidza kufunga zvimwe zvisinei nokupinzana pamunorhojana, Uchaona kuti maminitsi ake ari mukati anowedzera uye anogona kuti kana akahwa kuda kudiridza, ombomira kukoira, ozotangazve kana kuda kuya kwaenda.

Hakuna murume asingafariri kuti mukadzi wake atambe nechombo chake saka mutowo uyu haunetsi kuwirirana. Asi muchakwanisa kuitirana nharo pakuti wadai iye anoda kukupinza chombo iwe uri pa nyaya yokugadzirisa kuti asajaira kukasira kudiridza. Wiriranai apa nokuti pa LONG TERM yenyu muchanakigwa zvokuti. Mukadzi anononokegwa mukadzi anonakigwa chose zvichireva kuti anofarira rhoji zvakawanda, zvinova zvinodiwa nomurumewo.


chechinomwe:
Kufema kuzadza mapapu. D
zidzira kufema mweya waunotora mumapapu, usinga mhanyi Raga mweya usvike kumapapu ese usati wamufemera pazhe. Funga sokuti pane munhu ari kukupopotera asi iwe hausi kuda kumupindura. Unotanga kufemereka kuti usataura. 

Rusere
Imbomupfekera kondomu. Kana zvichinyanyonetsa pfekera mukadzi kondhomu kuti usakasira kunakigwa. Wadaro kana iye apedza iwe wobvisa kondhomu riya womuwedzera.

Wedzera kutamba nomukadzi. Kubabatabata mukadzi kusvika iye ava pedo pedo iwe wozofunga zvokupinza chombo. Nyaya yokutamba nomukadzi ngaiitewo nguva veduwee. Murumewo wopota achipinza chigumwe zasi kuti ahwe kuti kwadii. Mukadzi ndiye anofanira kuudza murume kuti chipinza kwete kuti murume audza mukadzi kuti ita ichi kana icho apinze.

Chechipfumbamwe:
Kuporisha mumba.
 Whisisa kuti kuvarume vakawanda chimusoro chakakura kupfuura muvri wechombo saka chimusro ndicho chinovhura mukadzi chichipinda zvinoreva kuti murume haanyanyi kukwizwa muviri wechombo pakuvatana. Kuti muviri wechombo uwanewo kukwizwa, pota uchiita CIRCULAR Motion souri kuporisha mumba.

Chegumi:
Mukadzi pamusoro.
 Kana mukadzi ari pamusoro murume haanyanyi kuita neganyabvu zvinoreva kuti anoti nonokei kupedza.. Mukadzi kana ava pamusoro, achiziva kuti murume wake ndewekukasira, anofanira kuitawo zvisina sipidhi uye opota achizorora achibvunza murume kuti zviri kufamba sei.

Gumi nechimwe:
Zvokuita kuti fungwa ibvepo!
 Vamwe vanoti kana akahwa kuda kubudisa urume, nguva asina kukwana, otora rurimi oguisa kumusro kwemumurmo wake ovhara muromo akadaro. Kwahi zvinoshanda asi hazvihwisiswi kuti sei zvichishanda. ( curl your tongue and place it against the roof of your mouth, then put pressure on it)

Chegumi nechipiri:
Maitire enyu. Ukahwa kuti chombo chakashinywa zvokuti ungakurumidzisa. Udza mukadzi apatsanuse makumbo kuti asaita zvokushinya kusvika mamboita nguva.

Chegumi nechitatu:
Kubatsirana nomukadzi. Dzidzisa mukadzi kuti akahwa woda kubudisa urume ngaaise ruoko kumashure kwemabhora  (panohi  PERENEUM nechirungu) emurume obva aisa puresha ipapo.pakati pemabhora neburi rokumashure. Paanoisa puresha murume ombomirawo kukoira. Zvaenda motangana futi. Mooramba muchidaro kusvika mukadzi apedza murume ozopedzawo.

Chegumi nechina:
Rerusa muviri. Mese murume nomukadzi dzidzai kurerusa muviri pakuvatana. Chinonetsa mumagarire edu isu vanhu ndechokuti tinogara nehama pamushha uye dzimba dzedu dzinoti munhu akataura ari mune imwe rhumu anohwikwa nomunhu ari mune imwe. Zvinoreva kuti kurerusa muviri panyaya iyi kunonetsa asi kana muri mega vana vavata munokwanisa kuzviita. 

Chegumi nechishanu:
Kana usina kuchekwa ganda pinza chombo musoro wacho usingaonekwi. Usakwevera ganda kuti mosoro uonekwe, ingopinza chakadaro. Zvinobatsira kuwedzera nguva. Asi pakukoirana zvine simba ganda rinongozokwansa kudzoka musoro wechombo wobuda pachena mukati memukadzi, asi munenge mamboita ndima muchikoirana zvinyoro nyoro.

Chegumi nechitanhatu
Vamwe vanoti kwahi uku tora RABBER BAND sedziya dzinoshandiswa kusunga tsamba mumahofisi, Ukawan diki inotatamuka kana wakaiisa pachombo, unokwanisa kushinya chombo nayo kana chombo chamira. Zvinoreva kuti pakudiridzira, ukapedza ropa rakamisa chombo haridzoki kumuviri saka chinoramba chakamira iwe watodiridzira. Unokwanisa kuramba uchikoira mukadzi kusvika iye apedzawo.

Che gumi nechinomwe
Kana uchiuya kumba une TESNION yekuisana manheru, nokuda kwebasa raunoshanda, imbochinjai muisane mangwanani wazorora. Vamwe vanoti zvinoshanda.


Chimbozama:
Unokwanisazve kushandisa maitire maviri kana matatu panguva imwe chete. Ona wega kuti ndezvipi zvaungaita pamwe chete. Nguva ichifamba unoona kuti zviri kushandira murume wako ndezvipi.

Pane mamwe maitire anoda kuti mukadzi abatsirewo pazviri, anoti iwo paya murume paanombomira obudisa chombo. mukadzi anoisa chigumwe chikuru (thumb) pamusoro wechombo kuseri panoperera muraini unoita sokuti chombo chakasonwa, paripo pakabatira ganda rechombo riya rinochekwa kana murume achichekwa ganda. Ipapo isa chigumwe chikuru wakabata chombo nezvimwe zvigumwe, wobva aisa puresha ipapo kwekanguva kanoita 10 seconds, Murume opinzazve okoira, obudisa iwe woisa puresha futi, uchingodaro kusvika mazopedza. Izvi zvinoitwa nemi mese pamwe chete, kuri kudzidzisa chombo kunonoka kubudisa urume.  Zvinoda kuitwa kwemwedzi yakati kuti kusvika manyaysoona kuti murume ava kunonoka uye ava munhu anokwanisa kumira kukoira achibva akwanisazve kubudisa chombo muchitubu achimbozorora.

Paanozorora paya kungozorodza chombo kuti chibve pakudziya kwechitubu chete asi murume ngaarambe achibatabata mukadzi chero iye asimo mukati memukadzi. Izvi kuitira kuti mukadzi arambe achikwidza zemo. Iyewo mukadzi ngaaise maoko pabhinzi yake akwizirire sezvaanoita ari ega.

Kwahi nevakadzidza zvinhu izvi, murume nomukadzi vanokwanisa kudzidza kutamba vese vasina hembhe dzokupfeka, pasina kupinzana. Munokwanisa kubvisa hembhe motamba henyu. Kana murume akamira chombo, ngaasapinza mumukadzi kusvika chombovata nokumira kakawanda. Kana charamba kumbovata, pfekai hembhe dzenyu mutange dzimwe nyaya kusvika chavata. Mozobvisa hembhe futi motamba. Pakutamba apa munombundikirana muchihwisana kudziya kwemuviri asi murume ngaasapinza chombo. Munokwanisa kusvika pakubvumirana kuvata musina kupinzana.

Sezvandataura,nyaya iyi inoda kuti muwirirane pakuzama kuibvisa mumba. Ndatanga nokutimukadzi audze murume kuti ari kukasira, asizve iye murume anokwansa kungozvionera ega kuti ari kukasira. Kana azviona anokwanisa kukumbira mukadzi wake kuti amubatsire kuzvigadzirisa.

Mese muchanakigwa zvakawedzera kana murume zvinonoka. Saka ngatibvumirane kuti kudzidza kunonoka chinhu chakanaka kuita pauviri hwenyu. Mufaro unowanda mumba kana mukadzi achimbopedzawo pakurhojana kwenyu.Murumewo anowedzera Konifidhenzi pazviri. Murume anogaroona mukadzi wake achiita Orgasm murume anoziva kuti ari kugona nyaya mumba saka anenge ari RELAXED pakufunga kutimukadzi wake ari kunakigwa.

Ndataura zvakawanda pano. Ndasiya nyaya yokuzora zvimaCREAM pachombo. Kana uri munhu wakachenjera anohwisa kuti ukati mechitibu mune Zvimaganda (Membrane) zvinokuvara kana ukaisa imwe mishonga isingashandiswi pane zvakadai, chahwisisa kuti hazvifaniri kuti zore zvinhu achombo ugochipinza mumukadzi wako. Unenge wada kumukuvadza. Mukati mechitubu mune inonzi PH yakapiwa BALANCE yayo kuti urume hwasiiwa nomurume husakasira kufa, uye kuti zvigwere zvinounzwa neguruva ringange riri pachombo zvisawandamo. Ukazora maCREAM pachombo wochipinza muchitubu, unokwanisa kuchinja PH yemo zvinova zvisingafaniri. Mukari mechitubu hamumbopinzwi chimwe chinhu kuzhe kwechombo chomurume wako chakagezwa zvakanaka, kana mimwe yake yakagezwa zvakanaka yakachekeregwa nzara, kana mushonga waewapiwa kwamurapi wekurapa chimwe chinhu. Hapana chimwe chinofanira kupindamo.

Nyaya iyi ndaitaura pano kuti varume vedu vahwisise kuti shuwa shuwa urume tinohuda,uye tinofarira kuhugamuchira asi ngahusauya pamaminitsi mashanu ekutanga kubva pakupinzwa. Imbomira mukadzi anakigwe popera nguva wozomupa zvaunoda kumupa. Dzidza kusvikawo 10 minutes uchikoira uchimbomira, wotura mafemo, wokoirazve, uchingodaro. Pakumira paya ramba uchikisa mukadzi nokumwa mazamu nokusvea zheve dzake, nokumuudza kui ari kukunakira.

Kurudzirawo mukadzi aise maoko ake pakati penyu azvikwize bhinzi yake nokukupurudzira chombo pachinopinda nokubuda mumkadzi. Madzi akasatya kita zvakawanda pamnorhojana, anokasirawo kuita ORGASM newe.  Ibasa romurume kurerusa hana yomukadzi kusvika majairana zvokuti hapana anoudza umwe zvokuita.

Zama kusvika 10 minutes 

Hwisisa kuti kukasiriva vakadzi ndiro dambudziko guru mudzimba. Hakuna chimwe chinhu chinobhowa seichi pasi pano kumunhukadzi ane murume. Kuhi murume haagoni basa zvinobva panyaya iyi. Kuhi mukadzi haaguti, zvinobva panyaya iyi. Murume anohwisisa nyaya iyi murume anokasira kugarisa hana yomukadzi wake. Hazvina basa kuti uri munhu wekunyika ipi hayo kukasirigwa nomurume hakunaki zvachose.

Isu vakadzi tinoita POLITENESS yokunyarara murume atadza kunyatsorhoja, Iwe murume zvizivire wega kuti watadza basa. Kana usina kuhwa mukadzi achipedza ziva kuti haana kupedza nokuti hauna kumupa chanzi yokupedza. Chishandisa maoko kusvika apedza. 


Udzai vamwe!!!! Zvikuru varume!!!!
kana uchida kunonoka kutunda
kukasira kutunda kwevarume pabonde
kukasirira mukadzi
kunonoka kutunda
murume asingatundi
mukadzi anotunda
murume anotunda
kungoti achipinda otunda
kutunda pasina nguva
Kusvirwa kusvika wavakuda kufa
Kunakirwa nokusvirwa
Kusvirwa kunonka
mushonga wekunonoka ktunda



6 comments:

Anonymous said...

Chinongodiwa Kujaira kuwona mh3ch3,ukango ziva kuti hapana chinoshamisira pairi hauite dambudziko re kasira

Anonymous said...

unoziva sei kuti mukadzi aguta bonde

Mai E Chibwe said...

Kana usingagoni kutaurirana nomunhu wauri kuvatta naye zvinotoreva kuti hauhwisisi mitemo yekuva muRELATIONSHIP noumwe munhu.Unofanira kutaura naye thrught kubva pamunotanga kuvatana kusvika pamunopedza uchiterera zvaanotaura nokuzviita. Mapedza bvunza kuti aguta here. Kana asina womugutsa. Inga Zuma akataurira nyika yese kutimurume haabvumigwi kusiya mukadzi asina kuguta.

secre said...

Mai chibwe ndatenda nedzidziso yenyu rambai muchitidzidzisa

Unknown said...

Uku kudzidzisa kwandinakidza chaizvo! Asizvinoda mese mukadzi nomurume.

Unknown said...

Vamwe vakadzi havaga

Shift_L