Tuesday 3 July 2012

Kuona wako achitarisa vamwe

Umwe wako anoda munhu wakaita sei?

Pakutarisana munoonana makanaka kana muchiri kunyengana. Kuzoti maroorana kukapera makore akati kuti, unoona umwe ava kuti akaona kusikana/mukomana akanaka ombopedza nguva maziso aripo. Hino iwe ukazviona woita ma INSECURITY akawanda.woshaya kuti zvabva nepi. Tese tinosangana nomunhu akanaka kutarisa asi hazvirevi kuti tinoda munhu iyeye. Kuda munhu wawaona zvinobva pakuti wanga wagara usisina rudo pamunhu wako wemumba. Pamwe unomuda hako asui iye haachatarisiki zvakanaka. Abva pawakasangana naye ari.

Ini kufunga kwangu munhu hwisisa kuti murume/mukadzi wako anoda munhu akaita sei. Pamakasanga iwe wanga wakadii.

Kana wange uri mutete gara uri mutete.

Kana wange uri mukobvu, gara uri mukobvu

Kana wange usingagezi, gara wakadaro

Kana wange uchizora AMBI ramba uchizora

Kana wange uri munhu anofara, ramba uchifara.

Kana uri munhu anoda rhoji ramba wakadaro

Paakakuona ndizvo zvaakada pauri zvawanga uri izvozvo. Usazoti maroorana woda kurega zvichichinja wozoshamisika kuti sei ave kutarisa vamwe iwe uripo. Hazvinetsi kuzvichengetedza muviri wako uri zvawanga uri. Chero ukazvara vana vaviri unongokwanisa kuzvichengeta.

Funga zvawange uri muchanyengana. Funga izvozvo udzokere ikoko. Toziva hedu kuti unoita mazamu makuru kana wazvara, unoita mhazha kana wati kurei. Malips echitubu anokura, asi izvi zvinhu zvisingakwanisiki kuzvichinja. Chikuru kuziva kuti murume/mukadzi patainyengana chii chaaiti akanditarisa ohwa kuchida. Ichocho chengetedza nokuti anoda kuchitarisa mazuva ose.

Unoona vanhu vachipopotedzana vachingopokana woshaya kuti zviri papi izvo murume ari kuti mukadzi akoresa mukadzi ari kuti kana usingandidi zvandiri enda kune vaunoda. Uku ndiko kurasa muromo chaiko nokuti murume akakuda uri mutete iwe ndokuchinja zvawaiva hino nhasi murume ari kukuudza kuti maonere andiri kukuita haasiriwo iwe pachinzwimbo chokutenda murume kuti akuudza zvaanoda, iwe wava kumutuka. Anokuda anokuudza pauri kukanganisa.

Ukuwo unona murume ange ari munhu aimbotamba bhora achiyevedza kutarisa, asi nhasi waita chidumbuzenene uku ave nezvimazamu uye magaro echikadzi anotambatamba achifamba. Mukadzi kutoti bba chimwana dai mamboenda ku Gym kuti musazoita Diabetes, murume otuka mukadzi kwahi hausi mai vangu. Mukadzi ari kuda kuti murume ararame nguva refu, uye murume akakora rhoji inosiyana neyakare achiri mutete.

Ini pandakazvara ndakamboramba ndine chidumbuzenene. Ndakazoti pava paya ndokunotengegwa bhasikoro. Ndakaita mwedzi miviri chete ndichichovha ndokutoona ndadzoka kwandange ndiri kare ndarasa 5.5 kg yange iri padumbu ipapa chete.

Usafunga kuti kutenga nhumbi tsva kana kundorukwa vhudzi zvinei nezvirikuonekwa nomurume wako. Usakangamwa kuti murume anokuona usina hembhe saka dzokera pakunaka usina hembhe. Mubhunze kuti ari kukuona sei. Uterere achikuudza.


ukaona iwe muridzi wemba wava kutanga wadzima rambhi usati ra bvisa hembhe, ziva kuti pane chausri kufara nacho pamuviri wako. Endda unochigadzirsa ichocho.

Udzai Vamwe!!!

No comments: