Tuesday 24 July 2012

Munhu asina kusununguka newe


Toti mava kudanana uye madanana kwekanguva zvokuti mava kuda kuenda ane chimwe chinhanho. Usati wanyatsobatana nomunhu uyu taka wazvipa nguva yokuona kuti munhu uyu ndiye munhu akakodzera kuva murume/mukadzi. Rhizeni yatinoregara kuti musi wamanyangana ndiwo musi wamunoroorana ndeyokuti unenge uschida kutanga waziva kuti munhu uyu ndiye wechokwadi here. Kuziva uku kunouya kana pakudanana kwenyu uchigara uchizvibvunza wega kuti munhu uyu akamira papi?

Iyewo anokwanisa kuzvibvunzawo kuti aone kuti iwe umire papi. Kana umwe noumwe wenyu abvuma kuti zvaanoda ndizvo zvaari kuona panoumwe, kukapera nguva zvisina kuchinja, munopedzisira maroorana.  Vamwe vedu vanhu vakanyarara vasingatauri zviri pamyo avec hero zvakanaka chero zvakashata. Ukaona wanyengana nomunhu akadai TASK yako yokumuongorora kuti ndiye waunoda kuroorana naye here inokura kusvika pakuti kazhinji unoita zvakawanda zvokungofembera.

Pane vakawanda vanoti kana pane vanhu vanongoti zii, asi kana mava mega anotaura zvese zvaanofunga iwe uchibv watomuhwisisa kuti amire papi.  Unoona kuipa kwazvo kana paitika nyaya inoda kugarigwa dare mumba. Toti washandisa mari pane zvinhu zvaasingabvumirani nazvo. Iwe unenge uchida kutaurirana asi iye ongoti zii. Toti iyewo pane chaaita chausingabvumirani nacho, kana asingadi kutaurirana hapana chaunokwanisa kuita uye haiuzivi kuti umire papi. Nyaya yacho haiperi nokuti hapana ada kuipedza.  Munhu wakadai anonetsa kuti urooraane naye.

Kunyengana kunoda munhu anotaura zvese pamoyo pake, kana zviri zvorudo, zvenhamo, zverufaro, zvorufu. Kana asingakutauriri zvinoreva kuti hausi shamwari yake. Ane shamwari dzake dzaanotaura nadzo asi iwe haumo munyaya idzi. Maroorana acharamba akadaroiwe wongoita somupirikisi uri muochadhi yemigwavha.

Unofanira kuhwisisa kuti chinhu chakaipa chose kuti wabvuma kuroorana nomunhu, wozoti pava paya woda kumuchinja kubva paanga ari kuti aende paunoda iwe. Unofanira kuroorana nomunhu nokuti unoda paari ipapo. Kana akazoda kuwedzera zviri kwaari. Usafosa munhu.

Saka izvi zvinoreva kuti unofanira kuzvibvunza kuti munhu uyu ndingamuda akadai here upenyu hwangu hwese? Kana une DOUBT, usaroorana naye.  Tarisa zvaari zvese. Uzvibvunze wega kuti ichi ndinokwanisa kumuda anacho here ? wodaro pane chimwe nechimwe chezvaari.

Kana uri munhu uya akanyengwa nechombo usati wahwisisa kuti muridzi wechombo munhu wakaita sei, nyaya yako inokwanisa kukunetsa nokuti musi waunoti pepu kuti woda kuwaniwa, INVESTMENT yako inenge isina kumira zvakanaka. Wakatanga wadzya dessert usati wadya main meal.  Ndipo uchiona munhu ava kuda kuchinja zviito zvemunhu waanodanana naye pobva paita FRICTION. Ida munhu sezvaari. Kana usingakwanisa musiye unotsvaka munhu ane zvaunoda.

Asizve kana munhu akakuudzawo kuti chimwe chezvinhu zvaunoita hachimufadzi, unofanira kufunga nezvacho uye kuti unochiitirei. Kana asina mhinduro yakanaka kuti unochiitirei dzidza kuchirega kuti wako agosagumbuka. Hazvirevi kuti akuchinja mature. Iwe ndiwe wachinja maitire nemaonero ako nokuti unoda kufadza umwe wako. Une RIGHT yokusachinja kana usingadi kuchinja. Umwe wako haana right yokukuchinja kuti uite zvaanoda.

Toti ndanyengana nomupositori asi ini ndiri muWhisiri. Tava kuda kuita Serious nyaya iyi ichataugwa. Ini muwhisiri ndichaudza murume kuti iye kuva mupositori hakundifadzi sakakana ndichimuona akapfeka gemenzi rake akagara pasi pokuchakata, zvinondishaisa mufaro.  Iyewo achindiona ndakapfeka hinifomu yevaimbi vewhisiri, ndichifamba nevamwe vakadzi tichiimba nziyo anoti hazvimufadzi kuona. Kana umwe wedu akazofunga kujoina chichi youmwe nokuda kwerudo, kufunga kwake hake. Ini handina RIGHT yokuti murume aite izvi. Murume haana RIGHT yokunditi ndiite.  Ida munhu sezvaari. Moroorana muchiziva kuti mese mada zvamuri. Kwete kuzoti hee ndini mukuru muno mumba saka iwe chiita mupositori.

Kana wanyengwa nomurume anomwa doro ukabvuma kuti ndiya waunoda, chiona kuti kana omwa doro mava mese hautukani naye. Kana ukamuudza kuti zvedoro hauzvifariri iye akada ega kurega doro nokuda kwerudo, ndezvake.

Kana iwe wahura nomurume kusvika akuti anoramba mukadzi wake oda kukuroora, ziva kuti iwewo musi waanokuhurira hauna RIGHT yokumupopotera nokuti wakada munhu anohura. Asi kana iye akazvipira murudo kuti haachahuri, ndezvake ega izvo.

Pane mifananidzo yakawanda yatinokwanisa kutaura nezvayo asi nyaya iripo chete ndeyokuti kana wati unoda munhu, ida munhu sezvaari musi wawamuda. Tisazokuhwa uchipopota kuti murume/mukadzi akaipa pakuti, uchitaura zvinhu zvawakaziva musati maroorana.  Ndiyo nyaya inokonzerazve kuti utaurire umwe wako zvauri chaizvo pachokwadi kuti asarudze achiziva kuti zvaanazvo ndizvo zvechokwadi.  Kana usingatauri, uri kumurega achiita maOPINIONS ake ega zvinoreva kuti panokwanisika kushaikwa chokwadi.

Kana musingadi kuwedzera chinhanho pakudanana kwenyu uye musingagari mese, unokwansa kungorega zvinhu zvakaita zvazviri izvozvo, asi uchaona kuti kana pasina kutaurirana kwakawanda muchapedzisira mabhowana chete.  Ushamwari hunobva pakutaurirana muchihwisisana. Kana asingakutauriri zviri pamoyo pake ari kutaurira ani nemhaka yei?

Udzai Vamwe!!!!

No comments: