Ukatarisa kare mabwe dzichi nhuku, ndingati kusvika kuma
1970 chakuti uko waiona kuti vakadzi vakawandisa muZimbabwe vange vasingapfeki
mabhurugwa. Kwaitozoti kana ofamba gwendo pamwe opfeka bhurugwa. Ukabvunza
vanhu vanoshanda nezvama AMBURENZI vaya vanokuudza nyaya iyi nokuti vanhu
vakawanda vaikuvara mumigwagwa umu voendeswa kuzvipatara vasina mabhurugwa.
Nyaya yokupfeka mabhurugwa echikadzi (UNDERWEAR) yakauya
zvishoma nezvishoma kuzosvika yazadza nyika yese. Ikozvino chero chembere
dzakura dzava kupfekawo mabhurugwa.
Vakuru vedu vaipfeka nhembe mbiri imwe mberi imwe sure,
pasina kana bhurugwa. Ipapo waiti kana ukabata musikana chibharo waisungwa
woendeswa kwashe kunotongwa. Pedzezvo wonzi chitora mukadzi wacho aite wako
wobvisa fuma. Majeri kwange kusina. Vakadzi vakuru vange vachitotyisa kubata
chibharo asi vaingofamba mazamu ari pazhe mativi achiuno achionekwa.
Nhasiuno tinopfeka dhirezi rinovhara muviri kusvika pasi pemabvi, mukati topfekazve bhurugwa ne bhuraziye yemazamu. Kune dzimwe nzwimbo
mu Zimbabwe, kwahi ukabatwa chibharo bhinya rikakubvarurira bhurugwa,
unotokwanisa kuendesa bhurugwa racho kumapurisa woti rinoratidza kuti pakaitwa
ganyabvu. Saka kana usina bhurugwa musi iwoyo zvinofamba sei? Zvoita sokuti
bhurugwa ndiro riri pakati pako nebhinya.
Ndakambobvunza varume kuti sei vachipfeka Underwear,
ndikatoona kuti vashoma vane mhinduro yacho, Umwe akati anopfeka nokuti
akasapfeka anokwanisa kubata chombo nezipi paanoenda kutoiret zvinova zvinogwadza, umwe akati
bhurugwa romukati rinobata zvinhu zvake kuti kana akatanga kumhanya zvisango
jaivha zvichionekwa. Umwewo akati underwear inofanira kungopekwa navarume kuti paanoweta anodonhedza weti atobuda mutoireti saka kana asina bhurugwa
romukati kunyorova kunozoonekwa pamberi, zvomusvodesa. Kara vanhu vakuru vange vasingaweti here?
Isu vakadzi tinoti tikanoweta mutoireti tinopisika munhu
ozobuda asina chingadonha. Tinoweta takagara uye hapana chokubata nezipi, uye
kana ndichimhanya hapana chinoonekwa. Saka isu tinopfekerei mabhurugwa.
Ndakabvunza vasikana kubasa zvikahi noumwe, “Ndopfekera kuti kana ndikaita
zvipusha ndikazomukira kuchipatara chokutanga ndoda kuziva kuti hapana andibata
pamberi.” Umwewo akati hazvingoitiwo
hazvo kuti abude mumba asina bhurugwa.
Rhiseni chaiyo inonetsa kuiwana asi vanhu vongopfeka mabhurugwa vasina
kufunga kuti vanozviitirei.
Varumewo vanoona sokuti mukadzi ane bhurugwa ane unhu
kupfuura anofamba asina. Kwahi na Timbe wekuNigeria, “Mukadzi anofamba asina
bhurugwa ari kutsvaka rhoji.” Ini ndokumubvunza kuti vasikana vese vaunoona
mutawundhi manheru eChina neChishanu vakapfeka zvimatambho netumicheka zvidya
nomusana zviri pazhe vanenge vasina mabhurugwa here? Zvikahi bodo. Ndikati saka zvawataura hazvishandi nokuti vazhinji vavo vanenge vachitotsvaka rhoji.
Saka bhurugwa rava paneimwe STATUS yarange risina kare. Umwe
musi ndokufonera murume ndiri kuTESCO kumubvunza pane chaanoda kuti nditenge
here. Tiri kutaura kudaro ndokumuudza kuti ndauya kuTESCO ndisina bhurugwa. Ndikahwa
munhu otochinja hwi rake obvunza kuti “ARE YOU OK?” atova mu PROTECTION MODE,
nenyaya yokungoti handina bhurugwa. Tava
kumba ndihwe munhu oda kutohwisisa kuti sei ndaenda kuTesco ndisina bhurugwa.
Ini kwava kutozotsanangura kuti kana ndiri off mazuva akawanda handipfeki
bhurugwa. Zvokuti ndazoenda kuSUPERMARET ndakadaro hazvina kana basa. Ndikati iwe Sunday haupfeki Underwear wani
zvakangofanana, Kwahi bodo iwe uri mukadzi ini ndiri murume, ini ndokubvunza
kuti kuva mukadzi kana murume zviri muUNDERWEAR here?
Varume vanoona sokuti Underwear ine basa guru kupfuura zvatinoona
isu. Tiri kuchikoro waihwa mukomana achikubvunza kuti wakapfeka underwear
yerudzii? Hameno kuti vaiita sei nekuziva rudzi gwebhurugwa remusikana. Kana muchitamba masipoti ukakotama akaona
kuti une bhurugwa rorudzii, anozokuudza wava umwe musi kureva kuti anga
achizvifunga pese apa.
Bhurugwa remukadzi harisi bhurugwa chete. Murume akaona bhurugwa rako wakagara zvisizvo muchitima kana pabhenji, anoita zemo kupfuura zvaanoita kana akaona panhu chaipo. Varume vane nyaya nemabhurugwa edu. Mukadzi ane murume mumba anofanira kuhwisisa kuti bhurugwa rake
chinhu chinokosha panyaya dzomumba. Kana uri kumwedzi unopfeka zibhurugwa ronoputira
zvakawanda, woisa zvinhu mukati maro kuti usazvibisa machira. Murume akakuona wakaripfeka iroro anobva
atoti fototo nokuti anoziva kuti rhoji hakuna nhasi.
Kana matukana ukapinda mumachira wakapfeka bhurugwa
anoshungurudzwa nazvo nokuti uri kumuudza kuti rhoji hakuna nhasi kusvika
tagadzirisa nyaya dzedu (Kusahwisa uku. Usambofa wakaita izvi kumurume wako
kana uchida kuva naye kwenguva refu) Kana akachenjera akangoona wamupfekera
bhurugwa pakunovata anobva atotanga kupira nyaya yake kuti ahwisiswe
mutaurirane. Iwe chiregawo kumubingisa. Kana ataura zvakafanira, tenda murume
wako ubve wamutaridzawo kuti iye ndiye murume wako. Chibvisa bhurugwa utange
kutamba naye.
Pakunovata, ukabvisa
bhurugwa wega usati wapinda mumachira zvoreva kuti wakazvigadzirira kuita
mabasa emuimba yokuvata.
Pamwewo ukapfeka rimwe bhurugwa rakadhekoretwa zvakanaka,
rinowedzera zemo romurume. Iwewo imbofamba famba wakaripfeka uchaona achikutevera
nemaziso. Pane zvaari kufunga.
Pane mabhurugwa akangoita setambho rokuti kana ukaripfeka
katambho kacho kanopinda pakati emagaro, kuno kumberi kunenge kune kamucheka
kadikidiki kakafukidzira chitubu chete. Rinohi THONG. Iwawa mabhurugwa anokwanisika kuti murume
apinze chombo iwe wakaripfeka. Kungorikwevera kudivi otopinza. Hapana
nebhurugwa riripo ipapo. Varume vanomafarira mabhurugwa awa.
Chionazve rimwe bhurugwa rakapatsana pakati zvokuti iro
bhurugwa racho rine chitubu. Rinohi crotchless knickers rakatosonwa rakaitigwa
kuti urhojewe wakaripfeka, Mucheka waro ndewe SILK inova yakatsetseka zvokuti
pakurhojana murume anofarirawo kupurudzigwa nayo. Imbova nawo mabhurugwa awa
uone kuti murume wako anozvitora sei.
Kubvisira murume bhurugwa zvinotaridza kuti wada kuti
arhoje. Mumba menyu unokwanisa kumuti iye akubvise bhurugwa kuratidza kuti ari
kuda kukurhoja. Zviri kwamuri kuti anobvisa bhurugwa rako ndiani asi hwisisa
kuti mabhurugwa edu isu vakadzi ane basa guru mufungwa dzevarume vedu. Bhurugwa
harisi nhumbi yokupfeka chete nokuti harina basa pakupfeka kwedu. Rine basa
pakushanda pafungwa dzevarume vedu.
Imbozama kuti muri pagwendo mafamba 30 minutes nemota iwe
woudza murume kuti wakangamwa kupfeka bhurugwa. Uone kuti anodii.
Udzai vamwe!!!
3 comments:
aaaaaah veduwe inga ndatyoka mbabvu nokuseka aiwa muri vahombe ndoda kunoratidza mukadzi wangu kkkkk
inga ichokwadi murume ukasapfeka underwear ungarumwa ukatambura
LOL!! murume ukasapfeka underwear, ko ikamira in public inoshaya chinobata kuti zvisaoneke. bhurugwa remukadzi ukariona chete paanogara beya mahwani!
Post a Comment