Tuesday 24 July 2012

Chikapa


Vara rokuti chikapa rinoita sokuti rakabva kuMalawi kwarinoreva zvinhu zvinodzidziswa vasikana kune umwe mutambo unohi Chinamwari wekuyarusa vasikana kuti vachinzi vave mhandara. Mitambo yakadai inoitika kwakawanda asi kazhinji inoitigwa vakomana kuti vachekwe ganda rechombo vave namakore 13-14. MaVhenda emuZimbabwe vanozviita. Mazulu, MaSwazi, maTsvana, vanozviita. Asi sokuziva kwangu vekuMalawi chete ndivo vanoitira vasikana. Hameno kana pane anoziva zvimwe atiudzewo.

Chikapa unyanzvi hwekushandisa chiuno pakurhojana nomurume.  Murume anokoira mukadzi achiita chikapa. Saka tongoti chikapa kukoira kwemukadzi asi vakadzi hatibvumigwi kuti tihi tiri kukoira saka vakatipa rimwe shoko rokuti ita chikapa murume achikoira. Asi pane nyaya dzakawanda ipapo. Zvese zvinotanga ne ATTITUDE yako panyaya yokuvatana nomurume waunoitira chikapa. Sokuona kwangu, kune vaya vanongoti murume akumbira vomuvhurira, hazviiti kuti une murume wausina basa naye asinganaki asina basa newe kuti ungotanga kumuitira FREAK OUT pakuvatana. Unenge une zvawakamurongera uye uri munhu akasununguka kana unaye, anokufadza moyo, anodawo kukurhoja. Ndipo unomukungira chiuno womupa zvese.
Chikapa kuwana RHYTHM yakakodzera pane zvamuri kuita. Ini sokuona kwangu Rhythm yekukoirana inopiwa nomukadzi kwete murume. Murume ukamurega achiita zvaanoda anongoti apinza ototanga kuita semota dziya dze FORMULA ONE kumhanya, ipapo iwe unenge uchida kunyatsohwa kuti murume ari mandiri, uye ari kunatyobayabaya nokukwizakwiza papi pacho mukati imomo, ndamubata, ndava naye mukati (Part of the deal for us is POSSESSION. When I have him inside me he is mine. ) Ipapo iye anenge achida kutokudiridzira urume obva abuda ovata hope. Saka iwe basa rako kuderedza sipidhi yake kuti nguva yaanoita ari mukati iwande ugonakigwawo.  Rythm unoipa CONTROL nokusunga chombo nemasuru yomukati mechitubu kana kurerusa muviri zvichibva nokuti unoda kuti akasire here kana kuti aderedze sipidhi yake. Murume akangohwa wachemerera otoda kukuzadza urume. Ukasadzidzisa murume wako kunonoka unogara wakapiwa chidimbu chokunakigwa. 
Kana usina CONTROL yemasuru unotoita zvokutaura asi zvino murume haatereri. Ane AGENDA yeke ega. Toti wamubata wamupa Rythm yakanaka, kukoira kwenyu kwakasiyana.  Munoti kana murume ari pamusoro iwe wakavhura makumbo iye ari pakati ari mukati, paanodzira achipinda iwe uri kusimudzira kugamuchira (OPPOSITE)  Paunogamuchira ipapo usangoita wakati tasa uchingobaiwa pamwepo mukati. Unopota uchimheyesa chiuno LEFT and RIGHT, ukuwo uchigonyesa chiuno chombo chichimbopindawo neANGLE yakasiyanasiyana, asi uku RYTHM yako usina kuirasa. Unotohwa uchikurungiwa sebota riri mupoto chombo chave mugoti, saka mafambire acho ndeawa, zvichibva pakushandisa chiuno kwemukadzi. 

  1. In and out
  2. Round and Round
  3. Left and Right
  4. North and South


Nokuti isu vakadzi tine magaro makuru kupfuura evarume chiuno chine simba uye makumbo akasimba. Vashoma vakadzi vaunohwa vachiti vanohwa musana asi varume vakawandisa vanokomburena nomusana. Uri wega unokwanisa kupurakitiza kushandisa chiuno. Handiziviwo kune vakadzi vanemuviri mukuru kuti zvinofamba sei. Ini kuona kwangu munhukadzi ngaagare ari munhu ari FIT. Ini ndinochovha bhasikoro kakawanda pavhiki. Kubva pandakazvara mwana ndikada kudzikisa dumbu, ndakaona kuti bhasikoro rinoshanda chose. Makumbo anosimba, chiuno chinosimba, chikapa woita sharaude. Musi wawakarongera murume iwe wega mapedza unohwa muviri kuti rukutu fungwa yodavira kuti ndagonekwa nhasi.

Kana wahwisisa chiuno chako unokwanisa kutungamirira murume kubva paanopinza chombo kusvika paanodiridzira urume uchipa CONTROL pasipidhi yake. Ndakamboudzwa neimwe shamwari yangu kwahi kana wakavata nomusana funga munhu ari kupepeta nzungu murusero. Chishandisa chiuno kupepeta murume  ari pamusoro. Mese munonakigwa zvokuti. Kana murume abata RYTHM yaunoda yacho chimurega achiita iyoyo iwe womubatirira kuti asabhudisa chombo ne MISTAKE, Ukahwa oita sokuwedzera sipidhi, sunga masuru atadze kumhanya, Ukahwa unga hwako hwaungana muchiuno chimbomusiya aite zvaanoda iwe chirerusa muviri uone zvinoitika.

Chikapa chinodawo kuti uku uri kuita nechiuno uku uri kuhwa fungwa yako ichibvuma kuti pano ndiri kuita zvakanaka nokuti ndiri kunakigwa, ukuwo muromo uri kududza kuti zviri kuitwa ndizvo. Kungogamuchira murume akumisira chombo kuti unakigwe wakanyarara handizvo. Munhu chemererawo zvinoenderana nezvauri kuita. Kuchemerera kunokubatsira kurerusa muviri kuti ukasire kuita ORGASM.  Kana usiri munhu uya anongoti kupinzwa wototanga wega kuchemerera, dzidzira kusaruma mazino kana uchirhojewa, Rega manzwi anoda kubuda abude pamuromo wako. Murume anobva azivawo kuti ari kunaka. Varume havadi zvokuchemerera. Anongozogomera ava kubudisa urume.
Chikapa unyanzvi saka zvinotodzidzwa. Tangira pauri ipapo asi ita attitude yokuda kushandisa chiuno chako. Ita attitude yokuda kushinya chombo chomurume wako. Ita attitude yokuda kuva ne FREEDOM OF EXPRESSION pakurhojana nomurume wako. Kana wazvibata zvese izvi chikapa chinongogozha kana wakapakicha makumbo pamafudzi emurume. Ipapo kuti une chiuno kana kuti hauna hazvina basa. Murume anokuita nhapwa yerhoji chaiyo. Unongohwa uchikurungwa sebota wakahi kwiii.  Asi mamwe maitire anoita kushandisa chiuno. Kana wangozvitanga, haumbozozviregi.

Tanga nhasi kufunga kufadzana nomurume wako. Iye achakuudza kuti wagona nhasi. Muchiona nyaya dzedu dzakadai, tinoda kuti varume vedu vazive kuti isu todawo rhoji kupfuura ivo. Saka tovakosva kuti vagare vane fungwa yokutirhoja mazuva ese. Akaona mukadzi wekusango anomunyemwerera anobva ati mumoyo make kumba ndine nyanzvi yazvo zvinhu izvi.
Hatina mhaka nokuti vara iri rakabvepi ngatingoritora richiita redu. Nguva yokuti ndabvisa bhurugwa kuti ndifare ndongoita sokuti ndafosiwa ngaibve mumba. Kana wabvuma rhoji nomurume wako chitaridza kuti murume wako uye ane kodzero yezvinhu izvi.

Maitire 
Kana wakavata nedumbu murume akakutanyanga akapinza neshure, ukati simudzirei chiuno ukuwo uchikwira nokudzira murume achikoira unohwa pane moyo chaizvo. Kana ukazoisa ruoko pakati pemakumbo ukatanga kukwenyerera bhinzi yako murume ari mukati uku chiuno uchishandisa, hameno hako.

Kana ukakwira murume, ukada kudzidzira chikapa, udza murume asafakanyika iwe wochimutaridza kushandiswa kwechiuno. Kuva pamusoro pemurume kunokuwedzera maitire akasiyanasiyana. Ukatsamhira murume zvokuti mazamu ako ari pachifuva pake wongotambisa chiuno chete muviri wakarivara, Unohwa kuti chombo chinosvika panhu patsva.

Kana wakafongorawo chikapa hachinetsa futi. Shandisa chiuno.

Maitire akawanda anobvumidza kushandisa chiuno saka shandisa. Zvinotaridza kuti uri kunakigwa nezvauri kuita.

Kutya Chikapa.
Vakadzi vechidiki vanotya kutanga chikapa nokuda kwekuti varume vanobva vafunga kuti mukadzi akadzidziswa noumwe murume. Kana uchihwa uchida kuita chikapa asi uchitya, tanga zvishoma zvishoma nhasi, mangwana wowedzera kubatirira murume nokushandisa chiuno. Panozopera mwedzi miviri iye haatombofungi kuti wange usingazvigoni kare. Asizve iwe potawo uchimuudza kuti anokuitisa ude kushandisa chiuno kuti afunge kuti ndiye nyanzvi yazvo.

Varume
Varumewo kurudzirai vakadzi venyu kusununguka pamoyo, pafungwa, panyama, pachiuno. Kwete kubvunza kuti "WAKAZVIDZIDZISWA NANI IZVI?"  Mubvunzo wefuza uyu.  Kana mukadzi wako afunga kukuitirawo zvakawanda, ari kureva kuti munhu akasununguka newe, iwewo chimukurudzira awedzere. Mukadzi wako munhu anofanira kudzidza zvakawanda saka musi waadzidza chimwe chinhu muudze kuti agona.  Anofanira kuva:  

Mai vemba (Management Job)
Mai vevana (Ordganisational and Education job)
Mukorobhi wemba
Muwachi
Mubiki
Shamwari yemurume 
Muvaki wemusha
Muzvari wevana
Uku tozotizve Nyanzvi yerhoji. Paunyanzvi apa akabva kwavo asina EXPERIENCE. Anotodzidzira pabasa saka ndati kana musi waagona tenda ukurudzire umuudze kuti mangwana wedzera apa neapa. Kwete kusoropodza kuti hee haagoni kukwira pamusoro, chii chii. Mudzidzisewo zvaunoziva nezvaunoda nezvamusingazivi mese zvamunoda kumbozama. 

Magaro ake ndeako
Mazamu ake ndeako
Chitubu chake ndechako
zvese zvaakatakura akatakurira iwe kuti umurhoje kusvika waguta saka Rhoja kusvika waguta iwe. Ndiko kumupa mukana wekupurakitiza chikapa chake. Unomuona achingonyemwerera nokudiwa kwake.  

Munhu kuhi wawana basa hazvirevi kuti hauchadzidzi chimwe chinhu. Mukadzi awana basa rokuhi mai vemba zvinoreva kuti anofanira kudzidza zvinhu zvemumba. Kuiswa ndizvo zvaakatofambira kubva kwavo. Ndicho chinhu chega chaange asingakwanisi kuitwa nehama dzake. Ipa rukudzo kuti asarudza iwe kuti umuitire izvi. Chimurerusa hana muite zvinogutsa. 

Saka chikapa chiiko? Toda kuhwisisa. 
Chikapa kukoira kwemukadzi zvikuru ari pasi pemurume, asi zvinongoita chero mukadzi ari pamusoro. Kukoira uku kunongoitwa nechiuno chete uye nomunhu akagara apurakitiza kutambisa chiuno chake. Chikapa chinoitigwa kupa murume manyawi okuda kugarorhojana nomukadzi wake, zvikuru kana ari murume anohwisisa kuti pakurhojana anononoka kudiridzira mukadzi kuti nguva yerhoji iwande pakati pavo. Mukadzi akatanga nyaya yechikapa nomurume asinei naye anongoti kutanga nokutodiridzigwa pamwepo saka hazvibatsiri chinhu.

Chikapa chinoraridza kuti rhoji ndeyedu tese. Mukadzi ndewechikapa, murume ndewekunonoka.

Pakuita chikapa pota uchimbomira uchitura mafemo kuti nguva irebe.

Chikapa kana une mimba
Kana une mimba ichiri diki toti mwedzi inosvika mishanu, hapana zvakasiyana neusina mimba. Kunozoti mimba yakura unoona wega kuti zvimwe zvonetsa saka maitire asinganetsi ndeekuti mukadzi anofongora murume opinda nokumashure. Pakadai rega murume aite basa ega. Kana uchidawo hako kutambisa chiuno, tambisa asi murume anohwisisa kuti une mimba. 


Wedzerai vanowedzera!!!
Udzai Vamwe!!!!!

kugona kubata murume pabonde
Kukoira mukadzi

Kukoira murume
Chikapa chii
Chikapa chinoitwa sei?
Kusvirwa mumota
Kusvirwa musango

56 comments:

Anonymous said...

mai chibwe ndotenda nedzidziso yenyu..ndoda kuziva kuti mukadzi ungaite sei kuti udziye muviri because muviri wangu unotonhora

Mai E Chibwe said...

Muviri wemunhu une body temperarure yepa 37 C. zvino kana uchiti muviri unotonhora zvinonetsa kuhwisisa nokuti ukadzikira kusvika kuma 35 hazvifambi zvakanaka.

Kuita LOW body Temperature zvinotoreva kuti muviri hauna utano. Chokutanga kunotesitwa DIABETES, kana isipo kunotesitwa THYROID kuti inoshanda zvakanaka here. Zvese zvatadza panodiwa kunoona dokotera nokukasira nokuti pane nyaya ipapa.

Diebetes pa clinic panoita. Thyroid inoda hospitari.

Dambudziko iri rinoda kuonekwa nokukasira uye harinei nokuvatana.

Anonymous said...

ndatenda asi ndanga ndichireva kuti vamwe vakadzi ukavamhorosa vanenge vachipisa asi vamwe vanenge vachitonhora maoko..so ndanga ndichida kungoziva kuti munhu ngaite sei kuti udziirirewo mbijana..iri harisi dambidziko rechirwere asi kusiyana kwematemperature so ndanga ndichida kungoziva kuti hapana zvaungaite here kuti uite kakudziyawo mbijana

Mai E Chibwe said...

Ndichakubatsira kutsvaka mhinduro yemubvunzo uyu. Ini kufunga kwangu i ACTIVITY ye Thyroid asi pamwe handizvo. Ndichabvunza ma Dhokotera. Asizve kana pane anoziva mhinduro ngaataure. Pano hapana zvokutukana saka usatya kutaura. Anenge atuka zvaanyora hazvionekwi navamwe. Ngatibatsirane kupindura mubvunzo uyu.

Anonymous said...

Lovely articles... Hv you considered writing a book and putting all these stories together... Guess it wl help a lot of people.

Anonymous said...

Mushonga wekudziyisa muviri inotoonekwa kuchivanhu. Unofanira kutsvaga ndorani, wopota uchinwa mangwanani neusiku. Unogona kuisa mutea kana mutubota tushoma wodya. Uchanzwa kwapera mazuva akati wandei muviri wakutanga kudziya.

Anonymous said...

Maita zvenyu Mai Chibwe, Nyaya dzenyu, dzidziso dzenyu dzinobatsira. Asi ndinoona sekunge dzinonyanya kurerekera kuna ana amai. Pane here zvamungati dzidzise isu sana Baba, Munoziva tinotodawo kuchengetedza dzimba dzeduwo uye kuita redu basa sana baba zvinagutsa nakufadzawo.

Maita zvenyu

Mai E Chibwe said...

Zvinobva nokuti munhu abvunza ndiani. kana ari munhukadzi ndopindura ndakarerekera kwaari. Vabvunzi vaawanda vangukadzi saka ndizvo zvinoitisa kurerekera kwavari. Kana munhurume akabvunza ndinokwanisaw kunyra zvakarerekera kuvarume.

Ndatenda chose nekundiudza izvi.

Anonymous said...

Ndinotenda amai chibwe nedzidziso, ini ndichangotangawo imba, ndinodawo kudzidziswa kutamba nenhengo yemurume wangu, sezvo ndichingoziva kuita zvinoita varume vachiita bonyora pliz help

Mai E Chibwe said...

Murume umwe noumwe akasiyana zvaanofarra kuitwa zvichibva nokuti akakura sei uye zemo raanoita rakawanda zvakkadii. Kana uchitoda kuziva kuti chomb chomurume wako chinotambiswa sei unofaira kudzidza kutamba nacho ugoterera zvaanotaura kana unacho mumaoko uye kuone kuti RESPONSE yake yakamira seii. Kana achinakigwa nazvi iwe wwedzera, kana achiita sokuti hazvimunakiri wederedza, woita zvimwe.

Asi pakumubatabata chmbo apa ita uchitaura uchimuudza zvaunoda kuti azoita nacho, uye kuti zvinokunakira iwe sei. Zvikuru kuti ahwisise kuti unofariira kuti azopinza uye akugutse.

Ita chombo chokukumbira sokuti murume ari kuverenga bhuku rake, iwe wosvikapo wokumbira chombo. Murume anobva afunga kuti urii kuda kupinzwa chombo, iwe woti bodo verenga hako bhuku ini ndoda kungotamba hangu nechombo mumaoko nokuti zvinondifanda. chizora mafuta mumaoko uchitanga hako nemaoko akapfava.

Ukagarodaro zvinoreva kuti chmbo chinomira kwenguva yakawanda pazuva, zvnva zvinokurudzira kufamba kweropa muchombo kureva kuti pakumira chinogwinya mese monakigwa nazvo pakuvatana. Pane bhuku rinonzi "THE PENIS" rinotsanangura nyaya iyi kuti vakadzi tiite kuti kana murume ava munhu mukuru arambe achimisa chombo patinenge tada kuvatana.

Dzidza kutimanheru paya mava mega muchiita nyaya muchiona TV, wenge une chombo chomurume mumaoko uchipurudzira uchirezva, nokuteverera tsinga dzacho nechigumwe uchiona kutichinoits sei. Uku uchipota uchipa COMMENT kuti zvava papi. pota uchimubvunza kut ari kuhwa sei.

chombo chikamira kwenguva unoona pobuda oiri isina ruvara inotsvedzerera zvakatsetseka. Musi wandakatanga kuiona ndakashamisika nazvo nokuti ndangee ndisingatozivi kuti varume vanonyrovawo sesu.

Garoudza murume kuti ane chombo chakagwinya chinokwanisa basa racho aite confidence nacho iye muridzi uye asanyadziswa nokutamba kwaunoita nacho. Iwewo dzdza kubvisa bhurugwa murume achiongora pako kuti pakadii uchimuudza zvokita.

Chombo kumunhurume chinhu chikuru chose zvokuti kana wada murume, chiratidza ACCEPTANCE yechombo chake zvmoyo wese. Kwete kuti unoda kungorhojanna naye pese pese asi kuti unoda chombo chake zvachiri izvozvo.

Anonymous said...

Maita basa ..i really apreciate.thank u thank u

Anonymous said...

Mai Chibwe

Ndichangotangawo imba ndibatsirei kuziva kuti munhu kadzi anosvika sei pakutunda.

Mai E Chibwe said...

Tanga waverenga apa kakahi

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2013/04/mukadzimurume-asingaguti.html



Nyaya iyi inonetsa vakawanda chose nokuti kana usingatundi unoona sokuti Pane chausiri kunyatsogona, asi zvisirizvo. Vanhukadzi vakawanda vanozotanga vapfuura makore 28. Hazvizikamwi kuti sei zvakadai. Chimwezve chinonetsa ndechokuti vashoma vanozviita zvakonzegwa nokupinzwa chombo nomurume. Panodiwa zvimwe zvinowedzera.

Vanoziva vanoti kana waimboita zvokuzvikwizirira wega uchiri musikana uchikwanisa kuzvisvitsa pakutunda, paunozovata nomurume unokasira kuzviita nokupinzwa chombo nomurume asi chero zvakadaro panodiwa kuti murume atore nguva ari pabasa. Maminitsi ake ari mukati awande kupfuura 7-10 achiita basa iwewo muridzi uchibvumira nechiuno.

Kana zvisingaiti unovata manhede murume ari pamusoro momboti maita kana 4-5 maminitsi, iwe woisa maoko pakati penyu woti uku murume ari kuita basa iwe uri kukwizirira. Zvinoshanda asi zvinoda kuti musi wekutanga usangofunga kuti zvinoita. Munokwanisa kudaro kuda vhiki yese zvozoita. Kana wangoziva kuti zvinoita makadai kana kudai, unozoona kuti hazvichanetsi kuita.

Kozotizve nyaya yokuti paya uchiitana nomurume, zama kurerusa muviri (RELAX) uudze fungwa kuti uri kuiswa nomurume wako uye uri kuzvida. Isu parudzi gwedu tinokura tichiudzwa kuti kuiswa kwakaipa uye kunosvodesa saka kuzoti fungwa ibvume kuti chinhu chinonaka uye isu vannhukadzi tinotozvidawo kupfuura varume zvinorama. Unofunga kuti ndikanyanyotaridza kuda ndave hure, izvo bodo ndiko kutoti zviwedzere kunaka kwazvo. Rerusa muviri uterere zvaunoda.

Kozotizve maitire enyu. Pane maitire anoti muchiita iwe weka unofunga kuti ndezve musikahwa zvauri kurega murume achiita. Izvozvo zvakadaro zvinokutundisa. Pamwe kana waita mamwe maitire, unotohwa kuti ari kusvika paasingasisviki wowedzera kunaka kwacho.
Imwe nyayazve ndeyokutaura muri pabasa. Taura nomurume. Muudze zvaari kuita, muudze zvokuita, muudze zvauri kuhwa mumuviri wako. Fungwa yako inobva yaendawo ikoko wokasira kutunda. Kungonyarara bodo handizvo. Kana pakuchemerera budisa mashoko chaiwo, murume ahwe zvauri kureva achitevedzerawo. Kana pamba penyu pasingaiti, imboendai kuhotera umwe musi kana mari iripo. Murume ndewako, usatya chinhu.

Zvadaro hwisisazve kuti kana tichiti mukadzi atunda ingari yokuti hatina vara kuchiKaranga rinoreva izvi asi inohi ORGASM kana CLIMAX pachirungu. Murume anobuda urume. Mukadzi haana chinobuda asi kuti unongohwa muviri wese kuita sewavesegwa moto uye kuita soda kutofa asi kuri kunakigwa. Pamwe kana kufema unomboita sowotadza. Kana wambozviita kamwe chete hauzozvikangamwi.

Kana usina kumbozvibatabata wega zvinonetsa kuita nechombo chomurume chete. Sezvandataura imboisa maoko pakati ukwizirire murume achiitawo nekwake.

Iyewo murume kana ukazohwa utanga kwake kutunda, kana iwe wange wapedza, chimupurudzira pachigomba chemusana apo panotangira magaro ake agoti uku ari kutunda uku uru kupurudzira uchidhiriwa CIRCLE ipapo. Kana kumuka usiku haamuki. Kana akazokubvunza kuti wakazvidzidzswa nani (vamwe varume vanobvunza izvi. Usavanza muudze averenga Blog ega.

Chienda unozama izvi. Murume ndewako usamuregerera pabasa iri, kana kusvodeswa nazvo. Kune mamiriyoni ari kutozviita izvozvi uchiverenga mwadhi iyi. Vabereki vedu vaizviita. Vanamhuya vaizviita. HYapana chinosvodesa. Udza fungwa yako kuti unozvida uye zvinonaka. Wadaro udza murume manakire azvo ugojaira kuti kana mapedza womuudza pazvange zviri anyatse kuziva kuti agona here kana kuti asiirira. Gara uchimuudza maitire anonaka. Uchaona okuti ita so.

Wahwisisa here kana kuti unoda kubvunza zvimwe. Uvanzirana kwakaipa. Ngatitaure chokwadi tivake misha yedu zvakanaka. Chengeta murume asi fadzwawo naye.

Anonymous said...

Mai Chibwe, iyi yekuita CIRCLE yamataura ndakaizama nezuro chaiye........aah muri right baba vanototunda and vanozvida. Kune mamwe madzimai vasati vambozviedza edzai muone, but make sure iwe unenge watonakirwawo kare. Tipeiwo mamwe mazano mamwe panyaya yekubatsira baba kuti vatunde matsva.

Maita basa!

Anonymous said...

Ndinoda kubvunzawo. Mukadzi wangu akazvitakura (now abt 5months), zvinoita here kuti atunde kana tichirhojana, ndingaita staira ipi. Ndatenda

Mai E Chibwe said...

Kuzvitakura hakunei nokunakigwa pakurhojana. Zvinoita chose asi moona kuti maitire enyu anoenderana nokuziva kuti akatakura mwana. Usazovata pamusoro pake. Zviri nani kuwanza yokuti mukadzi anofongora kana kuvata nedivi ari mberi kwako, zvinova zvisingatsimbiriri mwana. Imboverenga pakahi


http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/06/kurhojewa-une-mimba.html

Kutunda kwemukadzi kunowanzwa nokunonoka kutunda kwemurume. Kana ane mimba seizvi kukoira kweganyabvu bodo, itawo zvinyoro zvinotora nguva yakareba, wohwisisawo kuti iye chikapa chinoita chishoma nokuda kwemimba.

Mukadzi anogarotunda ane mimba haanyanyi kunetseka pakuzvara.

Kana mimba yasvika 35 weeks kutunda kwake pakurhojana kwenyu kunokwanisa kutanga labour saka itai makachenjera. Asi vashomanana vanozviita. Ingari yokuti ma Contraction anoitika palabour anoitiswa nemasuro dzimwedzo dzinoita maContraction pakutunda kwemukadzi. Saka kana une mimba ukatanga orgasm zvinoita TRIGGER yokuramba ongoita kureva kuti watova kutanga kuzvara. Usarega kuvata nomukadzi uchiti nokuti anozozvara.

Anonymous said...

Yecircle iyi handina kuhwisisa inodhowiwa nemaoko here?@

Mai E Chibwe said...

Murume ari pakati pemakumbo. iwe mukadzi wakavata manhede, makumbo akapatsana kana kusunga kuseri kwemabvi amurume uku muri kuita basa. Toti iwe wapedza wangomirira iye apedze.

Ipapo achiita unohwa wega kuti ava kusvika. Chiwedzera chiuno nokushandisa masuru yemukati kushinya nokuregedza chombo. Chitanga kupurudzira panosangana magaro nomusana pane kabhonzo kekupedzisira ke Spinal chord apo. Nemaoko.

Kunohi pakutunda kwemurume, ukapinza chigumwe kumashure kwake anobudisa zvese zvaanazvo. Kunohi mahure akawanda anodaro. Vedu vechiZimba havadi umwe munhu kumboziva kuti kumashure kwavo kakambopinda chinhu saka hwisisa murume wako woita COMPROMISE yokupurudzira apo uku achibudisa urume.

Anonymous said...

Thank you

Anonymous said...

mai Chibwe ndodawo kubvunza kuti patotunda murume isu vakadzi do we have to feel it or iye ndiye woga ane zvaanonzwa then ini ndonzwawo feeling yangu pandosvika pa orgasm

Mai E Chibwe said...

Kuhwisisa nyaya iyi tanga waverenga apa wozobvunzazve.


http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/08/pakudiridzira-mukadzi-anohwa-chii.html

Vashoma vanhukadzi vanohwa urume huchibudira mukati mavo. Vakawanda vanongoziva kuti murume ari kundipa urume AT THIS POINT asi hapana chaanohwa chichibudira mukati. Vamwe vachoma vanoti vanohwa kudziya kweurume inohi GLOW pachirugu asi vashoma.

Anonymous said...

ini ndodawo kunzwisisawo mai chibwe,kana murume otunda obuditsa urume hwake apa ini ndichiri kuda kuitwa,ndingazviite sei?

Anonymous said...

nhai mai chibwe,thank you for mazano ese amunotipa.ndanga ndichida kuziva,kana murume wangu atanga kutunda ini ndisati and ndenge ndichingoda kuramba ndichiita but inenge yorara ndozviita sei kuti ini nditundewo.ndakawona kuti ndikamumirira kusvika yasimba ini ndenge ndisisiri mumood yekukwigwa zvee.

Mai E Chibwe said...

Tanga waverenga apo pakahi

1 http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/09/murume-anokasirira-mudzi.html

2 http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/07/kunonoka-kudiridzira-mukadzi.html

3 http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/07/murumemukadzi-anonaka.html

Waverenga nyaya idzi ukasahwisisa chinyorazve ubvunze asi chokuhwissisa ndechokuti murume anokukasirira anokwanisa kugadziriswa kana ahwisisa kusanaka kwazvo. Kuti azvigadzirise anoda rubatsiro gwako uwe muridzi wemurume. kana ukamubatsira mese munonakigwa. Urume tinohuda hedu asi ngahuuye murume amboita nguva achigofa panhu zvinova zvinonaka chose. 7-10 minutes arimo, iwe mukadziwo uchishandisa chiuno kwete kungoti kwindi sehove yakafa.

Vakadzi ngatikwidziridze rudzi gwedu varume vahwisise kuti tinodawo kuiswa kutopfuura kuda kwavo kuisa. Ndizvo vagozvitorawo SERIYASI. Hino kana iwe uchiita sousinei nazvo zvinonetsa kuti iye afunge kuti kutora nguva chinhu chine basa newe.

Chiverenga apo tigotaurazve.

Mai E Chibwe said...

Ndahwisisa mubvunzo wako. Nyaya yako ndeyokuti wapa murume chiuno uye okupa urume iwe usati wapedza.

Mafambire ezvinhu izvi anonakira mese ndeekuti muri kurhojana paya mukadzi otanga kupedza. Adaro anoshaya simba rokuramba achikoira murume asi murume anoramba achienda nebasa mukadzi achitowedzera kunakigwa.

Murume ozosvikawo pakubudisa urume hwake opa mukadzionakigwawo nazvo.


ORDER iyi ikakanganisika umwe wenyu haanakigwi. Iwe mukadzi ziva kuti unotora nguva yakareba zvakadii zvichibva nezemo raunaro ipapo saka usarega murume achipinza usati wanyatsohwa kuti zemo rakwira zvokuti hautori nguva. Zvadaro kana masuru yako yechitubu uchikwanisa kuishandisa, pota uchishinya murume zvokuti haarambi achingoita imwe sipidhi isingaiti. unopota uchiti ukaona opembera nokukoira, iwe chombo kwiii nemasuro murume oderedza sipidhi yake kana kutomira.

Uku rambai muchikisana. Tora ruoko gwemurume woisa pamazamu achitamba nawo. Iwewo maoko ako maviri isa pakati penyu kana makatarisana, woashandisa kukwizirira bhinzi mativi ayo murume ari mukati achiita basa. Imbotsinzina maziso ufunge kunakira murume wako kwauti kuita, uku muri kukisana.

Unohwa naponapo zarima rimwe risingaiti rokwidibira fungwa dzako dzese rino ziOrgasm rokuvhakashira.

Rega murume arambe achingoenda kwaari kuenda. Ukakwanisa ungosimudzira chiuno kuti murume asabuda ne Accident. Akazopedzawo chirega apedze.

Trick iri pakubatsira murume, nokuziva kuti une zemo rakadii uye unowanzotora nguva yakadii, woisa REGULATION pasipidhi yomurume.

Kana wakafongora zvinoti netsei asi kupatsanisa nokudzokesa makumbo zvinovhura nokuvhara chitubu. Kana makumbo akanyaya kutarangana, kukwizirana kunoderera murume oti nonokei.

Ukasapota uchishinya murume, zvinovanetsa kumira ukoira kana zvave kunaka. Iwe mukadzi ndiwe MANAGER werhoji mumba. Dzidzsa murume zvinokunakira kusvika ahwisisa.

Anonymous said...

can l have your email pliz mai chibwe

Mai E Chibwe said...

maichibwe@yahoo.co.uk

Anonymous said...

amai munowanika kupi want to c u personally.

Mai E Chibwe said...

Zvaita seiko? Chii chaitika. Ndinyorere direct kana pane chiri kukudya moyo.

Anonymous said...

Amai chibwe ini ndiri mukadzi ane makore 31 ndinodawo rubatsiro handisati ndambotunda muupenyu hwangu hwose ndinonakirwa nekubatwa kabinzi asi handitundi kuzoti kusvirwa kwacho handina chandombonzwa ini ndinotoshaya kuti vanoti kusvirwa kunonaka vanorevei, tinotombosvuuka tose ini nababa kana taita bonde chingava chikonzero chii kuremara here ndibatsireiwo ndatotambura ini chii chandingadye kuti zviite

Mai E Chibwe said...

Ndinyorere timbotaura.

Mai E Chibwe said...

Zvakangogara zvakadaro here kana kuti zvakazotanga paitika chimwe chinhu chakaita sokuzvara mwana? Makore 31 mashoma chose zvokuti ndiyo nguva yaifanira kuti munge muchinakigwa nokuvatana. Ko dhokotera ari kuti chii nazvo?

Chokutanga ndechokuti kana tichitaura kutunda kwemunhukadzi ngatihwisisane kuti zvakasiyana nokutunda kwemurume achibuda urume. Mukadzi hapana chinobuda asi unosvika pakunakigwa zvokutobitirigwa kuti sewanyikwa musoro mumvura. Zvadaro wobva wabuda zemo mumuviri wese.

Housi wega panyanya iyi. Kune vakawanda vanotaura nenyaya iyi asi chokwadi ndechekuti veruzhinji pakuiswa vanohwa kunaka chose chose. Vakadzi vanotunda nokuvatana nevarume Havana kumbowanda havapfuuri 30%

Vakadzi singambokwansi kutunda zvachose vanosvika 20%

Vakawanda vanotunda nokuda kwekuzvibatabata vega murume asipo asi kana murume avapo havachazvikwanisi.

Koitazve vamwe vanoti umwe musi anotunda umwe musi haatundi zvichibva nokuti ari kufungei nenyaya dzokuiswa nomurume. Koitazve umwe musi waunenge usinei nazvo asi wopa murume kuiti apinze iwe wopedzisira wanakigwa nazvo kusvika pakutunda.

Pane zvakawanda zvinokwanisa kuitisa kuti usahwa kunaka.

Chokutanga kubvinza kuti unofungei nomurume wako. Kana usina kumuvimba pachokwadi zvinoreva kuti haukwanisi kusunungura muviri pakuvatana. Zvoreva kuti haunatsi kunakigwa nazvo. Pamwe haufariri chimwe chinhu chaanogaroita, pamwe haufariri chombo chake, pamwe unohwa kusada kuti akuone usina kupfeka, kana kukutarisa pamberi. Imbozvibvunza mibvunzo iyi owane kuti pane chimwe chazvo chaunacho here.

Chechipiri iwe muridzi unofungei nenyaya yokuiswa. Inorevei kwauri. Kana une zvawakakura uchiudzwa zvausina kufarira uri musikana unokwanisa kunge uchingova nazvo mufungwa zvokuti zviri kukurambidza kunakigwa.

Zvoitazve pakuti kana uri wega chii chaunoita chinokunakira. Mhomho yevanhu mumyika dzese vanombowana nguva yokuzvinakira munhu ar ega. Kunesu vanhukadzi zvinotanga paunotanga kuva mhandara nokuenda kumwedzi uye fungwa dzichitanga kuziva zvinoitika zasi kana une zemo. Vakawanda vanozviitisa kutunda zvokuti paanozokura owana murume anenge ava kutoziva maitire emaoko ake zvokukwanisa kuratidza murume.

Zvibvunze kuti kana uri wega unonakigwa nezvaunoita here? Kune vanhukadzi 15% mupasi rese vasingambozvibatibati vasingazivi kuti panonaka ndepapi pamiviri yavo.

Bhinzi ine mudzi unopfuura nmukati mechitubu zvokuti kana une zemo ukapinza chigumwe mukati wonangisa kuno kumusoro kwakananga kubhinzi unohwa pakaita kuzvimvirira panoti ukapakwenyerera wkatonona unopahwa kuti panonaka chose. Kana murume ari mukati zvinonetsa kunangisa chombo ipapo kuti apagumhe achikoira. Asi panokwanisika kukwiziwa nechombo kana wakavata nomusana wakaisa makumbo ese pamafundi emurume uku woderedza mabvi zvokuti anoenda pamativi emunhu wakanatso simudza chiuno.


Zvinokwanisikazve kana wakafuratira murume mese muvete nedivi rimwe. Murume apinda iwe woita sokutendeuka wovata nemusana woturika gumbo seri kwemurume. Murume anosvika panhu paya asi anopakwiza nokurutivi.

Murumewo akamboda kupti paaya achitamba nebhinzi ombopawana panhu apa okwenyerera nechigumwe iwe uchimuratidza zvokuita nokumukurudzira kuita zvinokunakira.

Fungwa nemafungire zvine basa guru panyaya idzi. Kana uchifunga kuti hazvinaki hazvinakiwo zvechokwadi. Kana uchifunga kuti zvinonaka worerusa muviri pamunoita wotanga kufunga fungwa dzezvinokunakira, unohwa kuti manakire ezvauri kuita anosiyana.

Izvi ndizvo zvinoitika kune vakawanda asi umwe noumwe wedu ane zvakatosiyna navamwe. Hazvirevi kuti ukazvizama izvi unonakigwa nazvo asi zvinokwanisika kuti chimwe chazvo chingangonaka. Zvinhu zviedzwa, kwahi chembere yekwaChivi yakabika mabwe akaita mutakura.

Anonymous said...

Handina kumboenda kwachiremba ndaitoshaya kuti ndoenda kune upi wacho kune maspecialists here? i hev two kids but zvakangogara zvakadaro even pandaive ndisati ndanemwana handina problem nemurume wangu ndinomuda handimunyare ndinenge ndichitodawo but handina chandonzwa nyangwe akweshe sei ndazvinzwa kuti kutunda kwemukadzi hakufanani nemurume asi hanti zvinonzi mai vane zvavanobudawo here kuratidza kunakirwa but ini handina chinobuda kunenge kuri dry nyangwe ndanakirwa nekubatwa binzi but hapana chobuda for lubrication ndinotosvuuka kunonzi kurota kuya kuratidza kuti ma vaready ini handidaro ini, m worried murume achandisiya ndofacker here kunakirwa kwacho

Anonymous said...

Mai Chibwe Mwari akukomborerei chose nebasa ramuri kuita.

Anonymous said...

Zvemu viri waka tonhora zvino torerwa tsangamidzi (ginger root) woipara kubvisa kakanda kekunze. Wochekacheka kana kutswanya, inongoitazve usina kutswanya woyi bhoirisa mumvura kwe maminetsi 5 or so. Kana yaibva woibura womimina wonwa kana uchida kuisa shuga zvakanaka. Mushure me 30 minetsi muviri unenge wava kuto dziya. Gwenzi rinonzi ndorani kubika bota, ndere kupisisa muviri,kudzora nyama dzako neche mukati, kurapapa chibereko, chikosoro nezvimwewo zvakati wandei. Saka hariite kugara usina. Ndinoku tendai mai Chibwe nekudzidzisa kwamaka funga kuita uku, zvakare nekutipa kwenyu mukana wekuti tibatsiridzewo pazviri. Ndini Vashava67

Anonymous said...

Ndatenda.

Anonymous said...

Mai Chibwe,

Ndine mubvundo nenyaya yekuti kuzasi kugare kwakasungika (Tighten). Ndakanzwa kuti vakadzi vekunana Congo vanoisa ginger zasi and zvinoshanda, zvanzi vanoitsetsa vopinza kwe30mins everyday or twice a week epending nekva active kwemunhu mumba make, Is it true. Ndijekeseriewo.

Mai E Chibwe said...

HOnestly usajaira upinza zvinhu zasi. Usaisa zvinhu zvisiri zveko. Kuzasi kune maBACTERIA eko asingafaniri kukanganiswa mamirire awo. Vanhu vakawanda vane zvavanoita asi zvizhinji zvacho hazvishandi chinhu.


http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/06/kusimbisa-masuru.html

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/07/kugeza-chitubu.html

imboverenga apa

Anonymous said...

are u on facebook

Anonymous said...

Who are you asking?

Anonymous said...

Thank you for dzidziso yenyu iyi inowaka misha zveshuwa, iniwo I just got married..my question is kana murume achikukwira akari kwati newe *aka resta pauri* ndezvipi zvaungaita especially uchiedza kumuudza kuti raise body but asinga change bcoz hazvindipe mukana wekuita chikapa ichi zvakanaka and he complains kuti im not doing enough, ndoita sei . Thank you.. ndatenda

Anonymous said...

Thank you for dzidziso yenyu iyi inowaka misha zveshuwa, iniwo I just got married..my question is kana murume achikukwira akari kwati newe *aka resta pauri* ndezvipi zvaungaita especially uchiedza kumuudza kuti raise body but asinga change bcoz hazvindipe mukana wekuita chikapa ichi zvakanaka and he complains kuti im not doing enough, ndoita sei . Thank you.. ndatenda

Mai E Chibwe said...

Kana zvichinetsa musi waunoda kumutaridza basa rakanaka kwira murume wobva wamukoira uriwe Izvi zvinokupa mukana wekuita zvebasa chaizvo. Saka kana mada iye akambova pamusoro, mukazodazve kupamhidzira iwewo wombova pamusoro.

Unokwansazve kumufongorera wobva watambisa chiuno iye akagwadama ari shure. Izvi hazvinetsi asi zvinoda kuti idzidze kuwedzera kuchemerera kuti iye aziva kuti kana uchishandisa chiuno unonakigwa zvakawedzera, kuti agodawo kugaroita zvimwezvo.

Anonymous said...

Ndadzidza zvizhinji amai mandibatsira

Anonymous said...

Ko kudyanana kuri safe here

Mai E Chibwe said...

kana uchiti SAFE unoreva kuti kudiiko.
Kana umwe wenyu achihura hazvisi SAFE
Kana umwe wenyu ari kumwedzi hazvisi SAFE
Kana umwe wenyu asina kugeza nesipo hazvisi SAFE
Kana umwe wenyu ane chigwere chechihure hazvisi SAFE.

Kana muri vatano mese uye musingahurirani uye muchigarogeza, hapana chakaipa.

Anonymous said...

Mai chibwe ndinotenda nedzidziso. Am 34 and ndaane 3 yrs ndiri mumba, problm ndeyekut handinyorovesi kana dai baba vatambe neni zvakaita sei usually ndinosvika pakutorwadziwa cz iye anenge achida kuzopinza ndatotesa, anotozongopinza rakaoma kudaro and chinonyanya kundibata istatement yekut "ndosvirawo here pakaoma kudai". Ndinoshaya zvekuita nazvo. Ndine mwana1, kare ndaimbonyorovesa zvakazongopera mwana atove 3yrs. Plz help.

Mai E Chibwe said...

Enda ku Chemist wonotenga inohi KY jelly. momboishandisa iyoyi moona kuti zvinosvika kupi. Asi vakawanda vanobatsirika nayo.

Woendazve kuchiremba wotsanangura nyaya iyi voita ma TEST kuona kuti chikonzero chii. Chikonzero chikuru kushaikwa kwe Hormone inohi

estrogen

Pamakore 34 apa unokwanisa kunge wava kutotanga STAGE inohi menopause inova inoti pakupera kwayo womira kuzvara. Saka enda utsanangurire varapi upiwe mapiritsi ekuwedzera HORMONE iyi.

Anonymous said...

Mai Chibwe chingava chii chinikonzera mudzimai anzwe kuda kuita weti pa nguva ye bonde uye akaenda kuchimbuzi hapana kana weti inobuda ndingava ndri kufadza mudzimai wangu here? Am worried

Mai E Chibwe said...

Pane zvakawanda zvinokwanisa kukonzera kuhwa kuda kuweta pakuiswa nomurume.
1 Chokutanga ndechokuti pane nzvimbo inohi G-SPOT iri nechokumadziro echituby ekuno kumusoro mukati. Nzvimbo iyi inoti ikagofiwa nechombo inozvimbirira uye inonaka kupfuura nzvimbo dzimwe , uyezve inoitisa kuti munhukadzi akwanise kuweta mvura isiri weti. Pakunakigwa panosvika nguva yokuti unoita ORGASM inowetesa. Vamwe vakadzi vanohwa sokuti voda kuweta vobva vatya kuwetera pamubhedha. Mukutya kuya votadza kunakigwa zvepamusoro. Pakadai zviri nani kuramba muchikoirana kusvika mukadzi aweta hake kana achida kuweta. Isai Plastic pamubhedha kuti usanyorova. Vazhinji vanoweta vanoonekwa kuti mvura yacho haina kuwanda. Zvinohi zvinonaka chose kurega mvura ichibuda iyi. Mukadzi anokwanisa kuridza mhere nazvo.

2 Chechipiri ndechokuti anenge achitoda kuweta weti chaiyo. Zvinobva pakuti chibatiro cheweti (BLADDER) chiri pedo pedo ne madziro echitubu. Kana chombo chomurume chakati korei kana kuti maitire enyu ari okuti murume anonogofa pamadziri pakanangana nechibatiro cheweti, zvinoitika kuti unokwanisa kuhwa kuda kuweta. Kana zvirizvo imbomira uende kunoweta udzoke mugopedzisa henyu kuisana kwenyu.

3 Hwisisazve kuti unokwanisa kuti paya paunoita ORGASM unozviwetera nokunaka kwazvo. Saka zama kuti kana uchiziva kuti muchaisana pakunovata, wotanga waenda kunoweta musati matanga basa. Zviri nani kuisana wakasununguka fungwa panezvokuweta kuti unatse kunakigwa nazvo.

Brother bm said...

Ndinotenda ne dzidziso yenyu maiChibwe asi sekuona kwangu ndinoona sokuti chigariro chivanhu chechivanhu chedu chinotipa *limitations* pakudzidzira uye paku zviita tichitya kushorwa kana kufungidzirwa kuti wakazviwana kuti especially PA CHIKAPA , KUCHEMERERA, KUBATIRIRA kana kuchinja POSITION

Mai E Chibwe said...

Kushorwa/kumhugwa naniko? Kana matombobvisirana hembhe uku mapinzana zvipinzwa Pane chimwe chasara chauchatya kuti chingaitika here? Ngatitarise nyaya:
1 Chikapa chinoratidza kuti mukadzi wako ari kuda zvamuri kuita. Pane murume angazomhura mukadzi wake kuti sei achida kuiswa here? Ifuza yakadii murume iyeye?

2 Kuchemerera kunongoitika kwega. Muka hadzi dzese pakuiswa dzinochemachema, Imbwa, kiti, mombe, mudzi, dhongi, chii nechii. Isu vamwe takakurira kumusha taingozviona tichitoshaya kuti chikonzero chii asi kuzoti takurawo. Murume akangotanga kukoira zvine mwero, hazviiti kungonyarara. Unomboruma mazino asi unopedzisira wangochemerera. Ndiani murume anozviramba?

3 Kuatirira kunoitika kwega futi. Wega unongozoti pepu wapa murume mukana wekunatsopinda. Kumubatirira kuti pasaita ACCIDENT yokuti abude. Ndiani murume angati zvakaipa.

4 Pakuchinja maitire. Hakuna mukadzi asingazivi kuti chitubu chake chiripi uye chingapindhwa sei kana kuti nepi. Munhukadzi wese anoziva kuti akavata nemusana, nedumbu, nedivi, akafongora, zvese murume anopinda. Chingadzidziswa munhu ipapo chii?

Varume sunungurai vakadzi venyu munakigwe navo ivo vanakigwevo, kwete kuswerofungirana. Unovatirei nomunhu wausingavimbi?

Anonymous said...

Ndinoda kubvunza kuti kana murume wako achida kusvetwa nhengo yake unomusveta sei zvekut anonzwa parere moyo uyezve kana uri pamusoro pemurume paunoita zvekutambisa chiuno kana kut zvekukwira uchidzika uchida kuzvichinjanisa unozviita sei zvisingaratidze kunga ndambomira

Mai E Chibwe said...

Varume/vakadzi havana kufanana saka umwe noumwe ane masvetegwe aanoda kuitwa akasiyana noumwe, asi pane zvatingati zvakafanana pavari zvokuti

Mazino ngaasasvika pachombo
Murume ngaasakukoira mumuromo nokuti unokwanisa kudzipwa
Terera zvaanokuudza
Sveta sounosveta chiwhitsi uye ratidza kuti zvinokufadza.

Hwisisa kuti kusveta chombo chomurume kunoitisa zemo risingaite. Kunokurerusa muviri (RELAX) zvinoreva kuti paunozoiswa unenge wazvigadzirira.

Kusweta murume kunofadza varume vakawanda saka wako anokwanisawo kufadzwa nazvo.
Tangai nokutaurirana kuti unoda here kudiridzigwa mumuromo nokuti pamwe angangozviita achida/asingadi.

Hwisisazve kuti kusvetwa bhinzi nomurume kunonaka kupfuura kupinzwa chombo saka iwewo kumbira kuswetwa bhinzi.

Mese jairai kugeza musati manovata.

Unknown said...

Inonwiwa kwenguva yakareb sei or is it something done constantly. Thank you for sharing advise..

Anonymous said...

Ini ndine makore 30 tane makore 3 tiri tese but ndinotadza kusvika chero zviite sei ndinotofunga kuti murume wangu anofunga haandifadze but ndinotonzwa kuti zviri kuita asi kusvika kwaramba