Monday 23 July 2012

Kudhonza Matinji

Ndakambonyora nezvenyaya iyi. Ndikawana Article yacho ndinoiposita pano. Nyaya yacho yaiva yokutaura kuti
Matinji chii?
Zvinoitwa sei?
Zvinoitigwei?
Zvinobatsira ani?
Pane zvakaipa zvinoitika pazviri here?

Matinji chii?
Ukatora girazi ukazvitarisa naro pamberi wakavhura makumbo, uchaona kuti pamberi pane zvinyama zvakatsetseka zvakaita sokurembera zviri kumativi maviri emaburu maviri, reweti nerekuiswa chombo. Zvinyama izvi zvakaita somudhara akapfeka bhachi. Zvakafukidza maburi awa uye zvakaunyana kana usina zemo. Ukaita zemo zvinokura zvodzikisa kuunyana. Zvakaita semuromo uye hazvimeri choya. Zviri mukati me maromo echitubu anomera choya. Zviri zviviri zvinosanga kuno kumusoro zvichipedzisira zvaita ganda rakafikidza bhinzi. Zvinyama izvi ndizvo zvinohi MATINJI. Munhu umwe chete ane matinji maviri rokuruboshwe nerokurudyi.

Kana waita zemo matinji anonyorove achiita zvokusinira kwete kuita seadigwa mvura. Unokwanisa kunyorova ukasaziva kuti wanyorova. Pakunyoroveswa nezemo, bhinzi inomira yokura kuzvika pa 2-4 cmMatinji akakwiziridzwa wakananga kubhinzi, zemo rinowedzera zvokukwanisa kuita ORGASM. Zvinokasira kana muridzi achizvikwiza ega. Zvinonetsa kudzidzisa murume kukwizirira vinonaka. Varume vanongotanga nezviri ROUGH.


Zvokudhonza Matinji Zvinoitwa sei?
Musikana kubva ane makore anosvika 12 anoudzwa nenyaya yokudhonza matinji kuti arebe kusvika pakubuda zvokuti ukakotama anoonekwa nokumashure. Kudhonza uku kunotora nguva yakareba kuti zvinyotsoonekwa. Ini handina kumboona musikana anopima matinji ake kuti aone kuti ari kukura here.

Geza maoko nemvura inodziya, wadaro bvusa bhurugwa wozora mafuta eVhasirina mumaoko nepamatinji. Wochutanga kuakweva uchiti ukakweva wombobata wakakweva kwekanguva. Ukahwa zvogwadzisa worega wokweva rimwe. Wodaro uchichinjanisa. Pakudhonza unodhonza pese kuzasi nokumusoro kwematinji ako. Ukangoda kudhonza pakati unongoreba ipapo chete zvosaita zvakanaka.  Asi kune vamwe vanotoda SHAPE yakaita se Chipembenene  zvokuti akavhura makumbo ake murume anoona matinji akati rimwe uku rimwe uku akamira semapapiro achipembenene.  Kana zvirizvo zvaunoda dhonza kumusoro nezasi worega pakati. Nokuti iwo agara akakura kuno kumusoro, saka mapapiro echipembenene makuru ari kumusoro. 

Zviri kwauri kuti unopedza nguva yakadii uchiita asi zvinoda kuitwa kuda katatu pazuva kana kupfuura. Ukawanza,  anokasirawo kureba. Kuna vamwe vekunyika dzezasi koenda kunaana Namibia ne South Afrika vanodhonza kusvika matinji areba kupfuura 20 cm. Kwedu hatisviki ikoko tinongoda kuti arebe zvishoma kuda 3or 4 cm

Vamwe vanoti mafuta enzungu ndiwo ari mberi pakudhonzesa. Kuno kuDHAYASIPORA unokwanisa kushandisa OLIVE OIL VIRGIN 1. Akanaka pamatinji ako. Zvoda uchangobuda mushawa kana mubhavhu pamberi pari kudziyawo. Chiwanzawo mafuta ugombopedza nguva uripo.

Anokura zvakadii? 

Pamakore ese aunodhonza, anokura zvishoma pagore asi anokwanisa kusvika pa 2-3 cm kupfuura paange ari. Usafunga kuti unotanga kudhonza nhasi vhiki inouya wotoona areba. Zvinotora nguva.

Kune mamwe marudzi vanodhonza kusvika areba kusvika kuma 5cm kana kupfuura. Kurudzi gwedutinongoda kuti akure kupfuura ekuzhe. wega unoona kana areba. Hakuna zvokuda kuenzanisa neanhingi kana nhingi. Iwe unozvionera paunoda kuti azvike, wobva wangozodhonza zvokuti arambe akadaro.

Saka dhonza uchizuva kuti kukura kunotora nguva uye zvinoitwa kwemakore akati.

Mazuva mangani kudhonza matinji
Kudhonza kunoitwa kwemakore akawanda. Muchiri vadiki munodhonzera kuti asvike pamunoda. Makura munodhonzera kuti arambe ari paakasvika pacho. Saka toti zvinotora nguva yakareba youpenyu hwemunhukadzi. Vakawanda vanongozorega kana vakura. Zviri kwauri kuti unodhonza kusvika nguva yakadii.


Zvinoitigwei?
Ukabvunza iye munhu anokuudza kuti tanga kudhonza anokuudza kuti zvinoitigwa kuti ugozvara mwana zvakanaka. Ipapo unenge uri mudiki saka havadi kukuudza kuti ndezvokurhojana. Kana wazoti kurei wava kuma 16, vanokuudza kuti varume vane dambudziko rokuti mukadzi akangobvisa bhurugwa murume otoda kupinza iwe uchiri kuda kumbotamba, Kudhonza kunoitigwa kuti murume ambowana chokutamba nacho makamirira kuti  unyorove. Idzi inhema hadzo nokuti varume vazhinji havatombozivi kuti mukadzi akadhonza neasina kudhonza vakasiyana chii? Murume kana chombo chake chati twiii fungwa yake yangova pakuda kuchipinza mumukadzi chete. Kana ukasamudzivaidza iwe nokuda kumbokisiwa nokupinzwa chigumwe nokupurudzigwa matinji (chero akadhonzwa chero asina) ukasamudzivaidza unotoona otoenda pakati pemakumbo ako otonangisa chombo kuti apinza, Varume vanotaura nenyaya yokudhonza kana vasina zemo chete zvichingoita se CURIOUS TOPIC. Kana ukatanga kufunga kuti inyaya iri SERIOUS, ndiwe watova benzi. Murume anongoda pakanyorovera pokupinza chete.

Nyaya chaiyo inoda kuhwisisiwa ndeyokuti kudhonza inyaya inonzi pachirungu RITE of PASSAGE. Yokuti upfuure zera rinonzi TEENAGE usingaiti zvinhu zvomusikahwa zvakawanda . Unopiwa project yokuita inotora makore akawanda pasina RESULT inobudapo inokatyamadza.  Kana uri kuzvikoro zvomu EUROPE OR USA, vanokudzidzisai sex education. Kwedu vanoziva kuti unotambudzika nenyaya dzokuchinja kuri kuita muviri wako saka vanokupa zvokuita kuti uteverera kuchinja kwacho wakagadzikana hana. Paunozosvika zera, 18, kuti ukwanise kuwanikwa, unenge wava kuziva zvese zviri zasi kwako. Unenge woziva kuti matinji ako anoita sei kana une zemo. Chibhinzi chako chinoita sei kana une zemo. Pakudhonza paya wakazvitarisa muMIRROR unoona zvese mamirire azvo nokuti chitubu chako chakadii. Unokwanisa kuvhura uchizvitarisa mugirazi. nokuona progress yako pakudhonza. 

Matinji ako achikura unotanga kudada nepamberi pako wowedzera konifidenzi pazviri. Muchihwa zviya vanhu vachiti vasikana vanokura nokukasira kupfuura vakomana, ndidzo dzimwe nyaya dzacho idzodzo. Vakomana vanenge vakangoisa FOCUS yavo pakukura kwechombo. Kumusha taihwa nyaya dzevamwe vaipedzisira vaenda kukiriniki kundorapiwa munhu azhizora muto wemuti unokuvadza achiti chombo chikasire kukura. Umwe akazora muto weumwe muti wakaita somukaka unogadzirisa urimbo. Imwe akazvirumisa nenyuchi pachombo, ndokuchema achienda kumba kwavo. Ingari yokuti vakomana havana chekudhonza sesu.

Dai pasina nyaya yekudhonza iyi vasikana vakawanda vaisamboziva kuti kwakadii zasi uko? VechiZimba havanonoki kuziva Physiology yemuviri.

 Zvinobatsira ani?
Saka apa ndataura kuti zvinobatsira iye nyakudhonza kuti azive muviri wake uye ave nekudada nawo achifunga kuti ndiye aita kuti zvitarisike zvakadaro. Kana tichitaura chokwadi tinoti EFFORT yese yokudhonza kana uchifunga kuti murume achakuda kana kusakuda nazvo, uchaita BIG DISAPPOINTMENT. Murume anongoda mukadzi anoshamwaridzana nechombo chake BIG TIME. END OF. Iwe ndiwe unotomubvunza kuti anofungei nematinji ako. Unohwa okubvunza kuti ari papi matinji acho, iwe womutaridza obva ati anomada, kureva kuti ari kuda kupinza chombo chete  saka uri kumunonokera. Chokwadi ndechokuti varume vazhinji havana OPINION pamatinji asi kungoti vara racho rinomisa chombo nokuti rinomufungisa kurhoja. 

Mukadzi waanofunga kuti akanaka kutarisa uye anomuda,  zvokuzoti matinji ake isaizi ani hazvina basa kumurume. Isuwo kana murume asina kutokubvunza kuti unofunga kuti chombo chake chikuru here kana kwete, tinenge tisinawo basa nazvo.  Mukadzi anongoda murume anomuda, anomupa urume hwakawanda pakurhojana, uye anononoka kumudiridzira. Zvokuti chombo chake chikuru sei hazvina basa. Murume ngaade kundirhoja, ataridze DESPERATION pazviri. Ngaataridze kuti anditarisa kana kundifunga ndokubva chombo chake chamira, zvinoreva kuti ndini ndamisa chombo. Chete.

Kana waita HABIT yokudhonza kubva pa 12 kusvika pa 16, uchaona kuti unoramba uchidhonza kwenguva yakareba. Inongori Habit yedu chete. Umwewo musi unotanga uchidhonza wozopedzisira wozvibatabata, kana uri wega mubhavhu kana kuti usina murume mumba kana kuti usina murume zvachose. Kuzvibatabata uku unenge wakatokudzidza pakudhonza, nokuti paunodhonza unobata panhu pako nemaoko hino umwe musi panotanga kungozvimbirira, wobva wahwisisa kuti kuramba uchiita zvauri kuita kunowedzera kunaka. Unozopedzisira waziva kuti chinokuitisa ORGASM chii, saka pakuzoti wawanikwa unoudza murume zvokuita iye okukasirisa. Saka mese munonakigwa nazvo.

Varume dai pane mukana wekuti vadzidze kunonokera vakadzi vavo mumba zvaitofamba zvakanaka.

Matinji anoita basa rei?
Munhukadzi wese ane matinji asi chakangosiyana isaizi yematinji evanhu chete. Saka anoita basa rei? Kana mukadzi ane zemo, matinji anozvimbirira, obva asinirira kuita kunyorova zvichibva nomukati, Adaro anobva atsvedza zvokuti murume akazopinzawo chombo chinonyorova zvokuti pakukwizana kwenyu hapana anoita mhoni.

Matinji ane rimwe basa rokuDhekoreta pamberi. Kuvakwa kwakaita matinji ndiko kunopa kutarisika kwepamberi. Mukadzi ane matinji madiki akangofanana pamberi nekamwana kadikidiki. Kana munhu ati kurei matinji anokurawo. Kozoti ukadhonza anowedzera kukura. Kuno kumusoro akafukidza bhinzi nokuti ikagarokwizirana nebhurugwa zvinobhowa.

Matinji haameri choya nokuti anokura kubva panyama dzemukati mechitubu dzisina choya. Kana murume akadzidza kuwirirana nematinji zvinonakira mukadzi wake. Matinji anoda kukwenyeregwa zvinyoronyoro nokubatwabatwa, nokukwizirigwa. Murume ngaambotambawo nematinji emikadzi wake nebhinzi yake muchiita henyu nyaya. Zvinofadza uye zvinoratidza kuti murume anoziva muviri wemukadzi wake. Mukadziwo anoratidza kuda murume wake pakumuvhrira makumbo achinyatsitamba pamberi murume omira chombo mukadzi onyorova nokuzvimbirira pamberi zvinoonekwa nomurume. Mese moziva kuti nguva yokuisana yasvika.

Nhema pamusoro pematinji:
Pane nhema dzakawanda chose dzinotaugwa pamusoro pematinji. Ukaterera varume vachitaura unohwa vachiudzana kuti kana mukadzi ane buri rechitubu rakakurisa anokwanisa kupeta matinji omapinza muchitubu kuti kana murume opinza chombo agohwa kushinya. Idzi inhema dziri pachena

Chokutanga ndechokuti hakuna mukadzi ane buri rechitubu rakakura kudaro. Mukati mechitubu munongovhurika kusvika pasaizi yechombo chirimo. Kana chiri chidiki kana chiri chihombe mukati mechitubu munongokura kusvika pane chombo.

Chechipiri ndechkuti matinji akadhonzwa anorebera kuno kumusoro kwakananga kubhinzi.. Chitubu chiri nechezasi zvokuti hazvikwanisiki kutora matinji womaisa muchitubu asi kana akatoreba kusvika kuma 7-10 cm. Hino kwedu hatiadhonzi kusvika kwese uko. Tinowanzodhonza kungoti arebe kupfuura maromo makuru epamberi.

Dzimwe nhema ndedzokuti mukadzi asina kudhonza matinji haanaki. Kunaka kwemukadzi hakubvi pamatinji. Kunobva pazviito zvake panyaya yerhoji nemurume wake. Varumewo kana chombo chapinda muchitubu chemukadzi anohwisisa kushandisa chiuno, murume hapana chaangahwa chingahi chinobva pakureba kwematinji. Ukahwa murume achikomburena kuti matinji emukadzi wake mapfupi, haisi nyaya yekunaka, asi inyaya yokungoda zvinhu zvakasiyana nezvaanazvo. Kunaka kwemukadzi wake ndiko kumwe chete kuzhe kwekuti ada kuchinja maitire ake emuchiuno.

Unohwa murume achiti haa pamberi pako panenge pavete shuro. kana kuto pane chikomo. kureva kuti anoda kuona pari pakuru iri nyaya yokuti varume vakawanda vanongoda zvinhu zvikuru pazvinhu zvese zvinotaridza kuti munhu uyu munhukadzi, Mazamu makuru, Magaro makuru, matinji makuru, asi chikonzero hachisi chekuti zvinowedzera kunaka.

Pane zvakaipa zvinoitika pazviri here?
Nyaya yekudhonza inokwanisa kuvhiringa vamwe vanhu vakaita semaNESI ekuzvipatara kana tave kuno kune dzimwe nyika. Unokwanisa kuita mimba woenda kundoonekwa ukabvisiswa bhurugwa vanoona kuti wakasiyana nevamwe vavanomboona. Zvinokwanisa kukusvodesa iwe. Kana ukasasvoda unokwanisa kungoita SELF-CONSCIOUS pazviri.

 Ndakambohwa umwe mukadzi wekunyika dzokumusoro kweAfrica. Akange akachekwa bhinzi nokusonwa buri rechitubu kuti asahura, sezvavanoita kwavo. Paakaenda kwa Dhokota aita mimba aiti zvakamusvodesa chose. Akatozoitwa Operation kuti azvare zvakanaka. Aitizve pakurhojana anoridza mhere chaiyo nokugwadziwa murume achipinza zveganyabvu.

Ko kana wakura usina kudhonza

Kuzodhonza matinji wakura hazvina basa anongorebawo sezvinongoita mwana mudiki. Kuno kuUK kune varungu vakawanda vanozoziva kuti ukadhonza anokura vobva vadhonza. 

Nyaya iyi ichatoisa matinji paFASHION chaiyo asi tichaonazve kuti kune vamwe vakazvagwa vanawo akareba, vanoda kuti andochekwa. Usatya kutanga wakura kana uchida makuru. Ingoverenga kuti zvinoitwa sei wobva watanga wega kudhonza. Unokwanisa kumbohwa zvichigwadza mazuva okutanga asi unokasira kujaira.Mirira mavhiki matatu uone kuti anokura here. Ramba uchiita uchaona achitochinja asi pamwe unoona awedzera kusvibirira usaita hanya nazvo. Ramba uchidhonza.  
_______________________________



Muchatoona kuti varume zvokudhonza izvi vanotozvionerawo pano nokuti havazivi kuti kunodhonziwa sei. Dai pawanawo munhu anovadzidzisa kudhonza zvombo zvavo. Zvikomana zvinoita ma COMPUTER GAMES zvaibva zvatosiya zvese izvo zvoswera zvichidhonza.

Comment

Penises All Have a "Seam"


All men have a line going down their penis and over their testicles. And no, it's not the chow line. It's more a "seam" on the underside of the penis. It forms when the fetus is in the uterus.
 In women, the seam becomes the inner lips (matinji) of the vagina. In men, the seam encloses the urethra along the length of the penis.
All babies start of as girls or looking like girls for the first 6 weeks, before boys start growing male parts. 

UDZAI VaMWE !!!!


Kana uchidawo kuhwa dzimwe nyaya pazviri verenga apa uhwe kuti kana nyaya yekudhonza yapindigwa naanambuya inoita sei.


Munyori hameno kwaanobva. Kwedu hazviitwi nevakuru. tinozviitira tega vasikana. 
matinji
chikapa
kubatwa matinji kunonaka
mai chibwe zimuto
basa rematinji pabonde
chibereko
chii chinonzi chikapa
chikapa chii
kudhonza matinji

63 comments:

Anonymous said...

Informative.ko kusava nematinji kunebasa here? Ndine shamwari yangu anochema nenyaya yekutonhora muviri zvekuti murume wake anotozeza kumubata. Angabatsirikane sei?

Mai E Chibwe said...

Hakuna mukadzi asina matinji. Kana usina kudhonza unenge unawo asi ari madiki. Kuva nematinji mapfupi,sokuona kwangu hakuna basa. Varume vashoma vanotomboziva kuti akadhonzwa acho anenge akadii uye kuva neaakadhonzwa inongori DECORATION, haana basa rimwe raanoita pazviitwa zvinoitwa. Kune nhema dzakawanda dzinotaugwa pamusoro pematinji uye nhema dzacho dzinobva kuvarume, nenyaya yokusaziva mamirire akaita zvinhu pamukadzi. Unohwa vamwe vachiti kune vakadzi vanopakira matinji muchitubu kuti chombo chigonetseka kupinda. Handifungi kuti kune zvakadaro.

Nyaya yokutonhora kwemuviri iyo rega ndigotsvaka kwayakamira. Nditumirewo rendedzero yayo pa Email, maichibwe@yahoo.co.uk

Anonymous said...

saka zvombo zvevarume hazvigone kudhonzwawo zvikakura sezvinoitwa matinji here? imbo feya feyai nyaya iyi.

Mai E Chibwe said...

Kana wati kudhonza matinji woda kukufananidza nokudhonza chombochomurume wada kufananidza zvinhu zvakasiyana. ukatarisa mamirire akaita zvino uchaona kuti varume nevakadzi vane zvinhu zvakafanana asi kungozoti umwe murume umwe mukadzindiyo siyano chete. Tadaro totarisa zvakafanana, tinoona kuti

Chombo pamurume = bhinzi yomukadzi
Buri reweti pamuriume = buri eweti pamukadzi
Mabhora emurume = Chitubu chomukadzi chinova ndicho chine matinji.

saka kana wada kudhonza zvinhu zvakafanana, wodhonza mabhora emurume. Zvino sokuona kwangu kaa muchitamba paya ukada kusvinyanga mabhora aya, uchaona murume ooma mutezo nokutya nokuti kwahi zvinogwadza. saka hapana chokudhonza. Chombochakafanana nebhinzi hini isi bhinzi hatidhonzi.

Anonymous said...

Makadii. Ini ndine makore 20 and handina matinji.what can l do to make them 3 or 4cm ? Am l to late kumadonza or there are other ways?

Mai E Chibwe said...

Pakudhonza zvinoitwa nevasikana vadiki pavanotanga kuenda kumwedzi zvimwe zvemuviri zvichitanga kukurawo. Asi nyaya yacho iyi ndakahwisisa kuti kudhonza hakunei nemakore emunu. Ndinoziva varungu vaatanga kudhonza vatova vanhu vakuru zvichitoita zvakanaka. Saka pa 20 apa urimunhu mudiki chose zvokuti zvinoita. Handioni dambudziko.Nyaya yaunofanira kuhwisisa ndeyokuti varume havana basa nazvo. Iwe kana wazviita unongozviita kuti iwe muridzi ugadzkane hana nazvo. Usazogumbuka wawanikwa nomurume asingatombozivi kusiyana kwewakadhonza neasina. Kusiyana kwacho kuri pakutarisa chete hino varume zvokugarotarisapo hunge watomukurudzira iwe muridzi.

hwisisa ipapo saka kana wada kudhonza dhonza hako, hapana chakaipa.

Anonymous said...


ini murume wangu anofarira matinji .haasi kugona neni

Mai E Chibwe said...

Chimudzidzisa zvokuita zvaunoda aite mese mugonakigwa.

Anonymous said...

ini ndiri mukadzi ane 32 years ,handina matinji ,murume wangu haana kundibvunza asi ndino nzwa vamwe vakadzi vachiti achabuda kunze kunotsvaga vane matinji. Ndoita sei nekuti ndakambozama kudhonza nemishonga yakasiyana asi haasikukura izvi zvaakukonzera kuti ndisade bonde nekuti ndinongofunga kuti handimunakire sezvo matinji pasina. Rimwe dambudziko nderekuti ndinobuda mvura yakawanda kana tiri pabonde uye muviri wangu unotonhora ndoita sei.imwezve nhamo yangu ndeyekuti mumba medu hamuna romance no kissing or hugging ndodii nekuti ndakambozama kukumbira murume wangu kuti andipewo kiss every morning asi he ignores me tava ne 14 tears tiri tese uye iye akambenge akaroora before asi ndine nzara yebonde nekuti dzimwe nguva tino pedza 3 weeks pasina sex zvino handichaziva kuti inyaya yekushaya matinji here kana kuti pane zvimwe ndotsvaga boyfriend here ,ndibatsireiwo

Mai E Chibwe said...

Kudhonza hakudi mishonga uye hakunei nezera. Cheromunhu akura anongokwanisa kudhonza. Munhu anokuudza zvemishonga ari kungotsvakawo mari. Hakuna mushonga unodiwa. Zvinongodiwa kudhonza chete.

Kana waroorana nomunhu akamboroora/roogwa zvinoreva kuti iye pane chaakakanganisa paRelationship yake yokutanga, Unless akafigwa. Kana asina kugadzirisa chacho chaaikanganisa zvinoreva kuti iwe ucharoorana naye agoitazve chinhu ichocho. Saka pachhatoitazve dambudziko. Kungozotsvaka kuti chii chiri kumutisa kudai zvava kwauri nokusaziva zvaakamboita pokutanga. Matinji haawedzeri kunaka ana kusanaka. Matinji inongori decoration yepamberi chete. Imboverenga apa

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/07/murumemukadzi-anonaka.html

Kunyorova mukati zvinongoreva kuti waita zemo chete hapana chakaipa ipapo. Chiri kukudya moyo kushaya self confidence nomuviri wako chete.Mukadzi asinganyorovi aita zemondiye ane dambudziko.Chinodiwa pakuvatana kutaridza kuti unofarira kuvatana. Kuna masuro isna kusimba, simbisa masur chete, zvokunyorova izvo hapana chazvakaipa. Nditumire Email titaure.

Unknown said...

inini ndine 16 yrs ndakatotanga kudhonza asi pandinodhonza ndinozongoerekana ndakunzwa kuda kurara nemurume nadakambodhonza nenzungu dzakakangwa ndodzikuya saka ndakuita nevaseline mazuva ano but zvinenge zviri kunonoka

Anonymous said...

Mhamha makadii henyu ndaita dambudziko ndakapedzisira kusangana nemurume wangu 6 mths ago anoshandira kunze akasi andity ndidhonze matinji zvino ndakazama kuzviita mazuva mashoma adarika aya ndobva ndazvimba pachibuda mapundu handina kushandisa vaseline asi. Mungazivawo kuti chingava chii. Ndinotenda nekubatsira kwamuchaita

Mai E Chibwe said...

Kuzvimba pamwe wakawanzisa kudhonza kwacho.Zvinoda wambobva mukugeza nemvura inodziya panhu pachidziyawo, wobva washandisa mafuta wotanga zvishoma nezvishoma wozowedzera. Zvinotora nguva saka ita zvishoma pazuva.

Mapundu anokwanisa kuitika kana washandisa reza kubvisa vhudzi repamberi.

Kana zvikaramba zvakadaro enda unoona Nurse kana doctor akupe mushonga wekuzora.

Mai E Chibwe said...

Kuti wadhonza woita zemo ndizvo zvinoita vakawanda. Inyaya yokuti unenge uchibatabata pamberi pobva pongotanga kuzvimbirira mukati monyorova kureva kuti zemo ravapo.

hapana chakaipa ipapo. Kana wada kuramba uchidhonza zemo riripo ndizvo. usavhunduka nazvo.

Anonymous said...

Makadii Mai Chibwe? Madekwani anhasi tange tichitaura dzakasiyana siyana nemadzikoma nevanin'ina vangu. Nyaya yematinji yabva yapinda mudariro. Mubvunzo wazobvunzwa washaya adaira ndewekuti ko kana usina kumadhonza uri mwana mudiki ungaiite sei wave munhu mukuru? Vese vatsinhirana kuti munhu haagone kunoroorwa asina nekuti murume anozobuda panze. Hameno kuti munogona kuvabatsira here? Ndinodavira kuti muchatijekesera nyaya iyi.

Mai E Chibwe said...

Kana uchiziva chikapa uye une rudo, uyewo murume uchimupa paadira, haamboswerotarisa nezvokuti wakadhonzza here kana kwete. Varume vashoma vanotozva kuti pakadhonzwa pacho panenge pakadii.

Ipai varume venyu CREDIT yokurhizena. Murume anganotsvaka mahure achiti nokuti matinji haana kudhonzwa here? anenge agarawo achingoda kuhura asi asina chikonzero. kudhonza ndekwedu isu uye tinzviitira kuti tijaire panhu pedu apa kuti panofamba sei kana pabatwabatwa, chete. murume anoda kupinza chombo oita madire ake ari mukati. Iwe mukadzi ukataridzawo kuti murume ari kugana basa, kubatirira, kuchemrera kusimudzira chiuno, kushereketa nokunaigwa, kuvhurira uti anyatse kupinda, kumupa manyaw okuwedzera, murume anoziva kuti aroora mukadzi waanonakira. Zvokuzoti matinji ake akadii yangove CURIUSITY zvayo inodawo kugutswa.

Tadaro kana usina confidence nematinji ako, wadi kutanga kudhonza iko zvino. Hazvinei kuti wakura zvakadii. Unokwanisa kuhonza matinji achitoreba kuonekera kuzhe kana wakakotama.

Asizve kana une murume ukatanga udhonza, musi waunowanzisa woziva kuti pakunopinzwa chombo unokwanisa kushoshwa nazvo. Shandisa mafuta uye ita une nguva.

kune vakadzi vakawandisa vasina kana kumbodhonza asi vanohisisa nyaya yerhoji kusvika pakuti murume hapana imwe fungwa yaanoita mumba.

Kuhura kwemurume kune zvakawanda zvinokonzera asi chikuru hunge akaone vabereki vake vachiita zvechihure.

Mai E Chibwe said...
This comment has been removed by the author.
Anonymous said...

Makadii mai chibwe, tinofara chaizvo nekuti dzidzisa zvakanaka mudzimba. Ndiri mukadzi wechidiki, Ini ndinoda kubvunza kuti kune here mushonga unoshandiswa kana murume achiti anoda kuwedzera chombo chake kuti chikure, uye hazvina here maafter effects. Ndoita sei kuti matinji angu arebe nekuti murume wangu anonditi matinji ako haana kureba. Ndibatsireiwo

Mai E Chibwe said...

Nyaya yokuti chombo chiwedzere kukura haiiti kana urume atova munhu mukuru. Hakuna mushonga wekukudza chombo, chero ukaenda kunyika ipi zvayo. Kana munhu akwana mushonga wakadai anoita millionnaire kusina kupera vhiki. Usanyepegwa namatsotsi anotengesa mishonga yenhema. Hakuna zvakadai. Kana uchida kuti chombo chomurume chiite sechawedzera kukura wedzera kuoma kwacho pakumira. Izvi zvinoitwa nokujaira kutamba nacho kwenguva yakarebaa musati ma vatana. Chombo ngachiite nguva chimire zuvaa nezuva. Ndiko kuti tsinga dzinoshandiswa pakumira dziwedzere kuwana ropa. Saizi yechombo hainei nokugona kuchishandisa. Dzidzisanai kushandisa chombo kwete kuzvinetsa nesaizi.

Matinji anokura kana ukadhonza. hazvinei kuti wava nemakore mangani. Tanga kudhonza. Asi murume wako munhu asinakufanana nevarume vakawanda nokuti varume havanei nokukura kwematinji nokuti haawedzeri kunakigwa kwavo.

Anonymous said...

ini semurume matinji ndinoada.zvinomisa mboro zvakanyanya kana uchitamba namatinji.zvinoratidzawo musiyano mukuru nepepwere.kana mukadzi haangade kaporo kasinganzwiki.kana ukagarirwa beya unofanira kuona kuzarawo kebhurugwa .hongu haangakuri zvakafanana asi ndinokurudzira kudhonzwa kwawo.iko kupfavira kwawo kuye kune basa.ini ndinoda kutamba naro kusvika ndaudzwa kuti chikwira.

Anonymous said...

matinji anodikanwa kuti akure.ini semurume ndinoda kuti burugwa rizare nematinji.kana ndatarisa beche remunhu mukuru harifaniri kuita serechana.kana tichiitana zviya anofanira kunzwika.ndiko kuti beche zve.woti wakotama ooneka neshure.aiwa ini dinji ndinorikuza.

Anonymous said...
This comment has been removed by a blog administrator.
Anonymous said...

Makadini Mai chibwe ini ndodakubvunza nyaya ye chikapa kuti unoita seichiuno chako

Mai E Chibwe said...

Verenga pahahi CHIKAPA


http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/07/chikapa.html

Anonymous said...

ini i have been married for 13years and handina kudhonza. when my sister called from zim and told me about it ndakatya kuzviita nokuti ndakatya kuti murume wangu anozondi vhunza kuti chii. hameno kuda iye anoziva asi haanakuita shungu dzekundivhunza. my sister is always saying i sould do it. ndafara panda ona kuti even if you are in my age 30s you can still do it. hope baba vevana will be happy if i do it thanks very much for your teaching

Anonymous said...

Makadii Mai Chibwe. Ndinotenda nedzidziso yakanaka. Mubvunzo wangu uri pakutonhora kwemuviri wangu semudzimai. Ndingaitawo sei kuti muviri wangu udziye sevamwe?

Mai E Chibwe said...

Nyaya yokudziya kwemuviri ndanga ndisingaihwisisi kuti iri papi asi pamwedzi muviri yapera ndaihwisisa saka ndichanyora nezvayo.

Anonymous said...

Nyaya yematinji iyi ichokwadi nekuti mudzimai wangu akamadhonza iyezvino areba kana akapfeka penti pamberi panenge pakazvimba apa chombo chinobva chatsamwa paanobvisa penti unoona anonzi matinji saka ndinokurudzira madzimai kudhonza matinji

Anonymous said...

Makadini ndoda kuvhunzawo coz vame vanoti matinji akakurisa anoita kuti uburitse mvura yakawanda paunosanga nemurume kobva kwakutsvedza nd murume hazonakirwe nd ungaipedze sei mvura iyi kna ubuda mvura yakawanda

Mai E Chibwe said...

Saizi yematinji hainei nokunyorova kwemukati mechitubu uko kunoitiswa nokuwanda kwezemo. Vakadzi vane matinji madikidiki vanongonyorovawo zvakadaro. Kozoti vamwe vane makuru vasinganyorovi. Hwisisa kuti kunyorova hakunei nesaizi yematinji.

Anonymous said...

Zvinotora nguva yakadii kuti matinji ukamadhonza asvikewo pa2cm

Mai E Chibwe said...

Umwe noumwe munhu anodhonza zvakasiyana noumwe saka zvinosiyana. Asi kuti kana munhu achiita nguva nenguva anokwanisa kuita kana gore kana kupfuura. Kudhonza handi kuda kuzvikuvadza uchiti nokuti unoda kureba.

Anonymous said...

Is it possible kuti angakure pa3 months

Mai E Chibwe said...

Kune vakatanga kudhonza vane makore 13 vachiri kudhonza ikozvino vava nemakore anopfuura 30. I Habit yokuti kana waida unongogaroita asi kungoti kana azvika pa saizi yaunoda iwe muridzi unotanga kungodhonza zvokuti asadzokera kwaange ari kare asi unongoita chete.

Kukapera mwedzi mitatu unofanira kuona siyano yacho.

Anonymous said...

ini angu akadhonzwa nemurume wangu pakudyiwa kuzasi paye. Ndakakura ndisina matinji asi ikozvino ndaanawo

Anonymous said...

Ndave ne3 months ndichidhonza matinji ASI haasi kukura. Is there any cream or medicine to use.

Anonymous said...

ndiri mukadzi ane 25 ndinodawo matinji murume wangu akanditi anodawo kundiona ndine matinji ndoita sei kut akasike abuda

Mai E Chibwe said...

Kudhonza hakuna zera uye hakuna mushonga asi kuti iwe muridzi unofanira kungodhonza wega kusvika akura. Asi kuti matinji akadhonzwa kana kuti haana hazviwedzeri kunakirana kwenyu. Chinonaka kugaroda kuti murume apinze uye iyewo kutaridza kuti anofarira kupinza uye achiti apinza otora nguva asina kudiridzira.

Munhukadzi jaira kushandisa chiuno kana murume apinza chombo.

Matinji inongori decoration yepamberi chete chete. Kukura kwawo zvinobva nokuti unodhonza sei uye nguva yakadii. Shandisa mafuta enzungu kana Olive oil. Vaseline inoita asi amwe awa anoderedza kugwadza.

Anonymous said...

Zvirikutsvedaza ndikaisa vaseline ndodii amai. Ndiri married and over 30 4 kids and handina kana dinji. I feel incomplete even when hubby don't complain

Anonymous said...

Nhai Mai Chibwe, yangu haisi comment...mubvunzo.

Zvinoita here kuti mwana we mwanakomana ari murume orara ne mwana we mwanasikana ari mukadzi?

Apa ndi sekuru ne muzukuru, zvinoita here?

Ko pakuzoti muzukuru mutsago zvinorevei?

Ndatenda

Mai E Chibwe said...

Nyaya iyi inyaya huru chose asi hainei nokudhonza matinji. Saka ndaipindura uko kwakahi

"Mibvunzo nemhinduro"
http://maichibwe.blogspot.co.uk/2014/10/mibvunzo-nemhinduro.html

Anonymous said...

Ko varungu vane matinji here? Ko maChinese, Ko maIndia, ko veku South Africa, Zambia, Nigeria vanawo here?

Mai E Chibwe said...

Vanhukadzi vese mupasi rese vane matinji nezvimwe zvese zvine vamwe vanhukadzi. Dai vasina dai vasingakwanisi kuita mimba nokuzvara vana. Handizivi kuti chakuitisa ubvunze mubvunzo uyu chii?

Anonymous said...

Hello amai
Ndodawo kuziva kuty hapana mushonga unganwiwe here kuitira kuty matinji akure

Mai E Chibwe said...

Matinji akafana ne chombo chomurume. Hapana mushonga ungashandiswa kuti akure. Kukura kwawo kunobva pamhuri yako uye kuti unowana ma HORMONES akawanda zvakadii panguva yokutanga kuenda kumwedzi. Hazvinei nemishonga kungoti vnhu verudzi gwedu vanongofunga kuti chinhu chese chinoda mushonga asi handizvo.

Anonymous said...

Ko nhai mapundu anomera kuzasi kwenhengo yemukadzi akaita semhopo asi akawanda anokonZerwa nei ndiro safe here kana kuti chimwewo chirwere ndibatsireiwo hama dzangu,zvakatanga pandakaita mwana wechipiri ndikasonwa mastitch saka anombovava dzimwe nguva anoita seakazvimba dzimwe nguva haatoonekwi zvachose,chingava chii nhai,ndakatariswa zvirwere zvepabonde hapana chakabatwa ndatambura veduwee haarwadze asi anomboita nguva yekuvava

Mai E Chibwe said...

Veduweeka, zvimwe zvinhu musamirira kubvunza. Kasira kuenda kuvarapi undoudzwa kuti chii. Zvinonetsa kuongorora kuti chii ndisina pikicha kana video yandingapa Doctor.
Kasira kundoonekwa uudzwe zvokuita.

Mazuvano wombomira kuvata nomurume kusvika warapiwa ukaudzwa kuti zvapera.

Anonymous said...

Mai Chibwe

Ini ndakamboratidzwa Kudhonza ndichiri 12 kuzimbabwe nana gogo asi pandakauya kuUK hakuna ana tete nana gogo. Handichanyatsoziva kuti pandakandonzwa Ndepapi chaipo. Muno muUK ndina and mainini but ndinonyara kuvabvunza kana kuti vangandiseke kuti handina pazera rangu at 27. Ndaverenga Shona yenyu ine description Asi yakadzamisa kuti ndinzwisise kuti chiri Kudhonzwa chi nekuti Hanzi matinji is labia Majora be labia minors. Saka ndeipi inodhonzwa app? Munokwanisa ku translator muchirungu here kuti ndisazodhonza zvisirizvo nekuti ndambozama asi hapana chiri kuitika.

Please help mai Chibwe

Mai E Chibwe said...

Matinji = Labia minora

Before you elongate in the UK, be advised that when you go for any gynecological treatment the clinicians are curious. I know of a north African woman who was investigated because she had no clitoris, it having been cut at teenage. Just be aware.

Also think why you are doing it. It has nothing to do with men as your husband may only look at it the first few times and then lose interest in looking. More in touching and caressing and maybe with the light off. Why do you want to do it other that that it is interesting to do? Answer that yourself. You may already have long labia minora. The measure is if they protrude out and can be seen outside the labia majora without you being in any form of excitement. The best way to look is to bend away from the mirror with your legs not far apart, depending on your frame. According to our custom, labia minora should be longer than labia majora when unexcited and must be visibly so.

To elongate, you need to use some sort of oil such or virgin olive or vaseline. You need to pull regularly and over a long period at a time. Stop when it start to be sore. this will be loner and longer the more you pull. Best done after a worm bath or shower.

pull only the labia minora gently till you feel a tug. hold at that for a little while then let go, then start again. Over and over till it becomes uncomfortable. Do not try to achieve anything in one day one week or one month. It takes long.





Anonymous said...

Ndodawo kubvunza kuti madinji haabati nengo yemurume here pakuita bonde kuti iwedzerwe kunakirwa?

Mai E Chibwe said...

Anobata nokuti mukova wechitubu chemukadzi wakatovhagwa naiwo matinji saka hazviiti kuti murume apinze chombo agotadza kusangana nematinji.Asi kana ukadhonza matinji unodhonzera kuno kumusoro ndiko kwaanarebera ari. Kuzasi kunopinzwa chombo anenge ari mafupi

Unknown said...

Ko kudonza matinji usati waboorwa hakubisi virginity here kana kuti kuno donza vakaboorwa kare

Mai E Chibwe said...

Mubvunzo wako unoratidza kuti hauhwisisi kuti chinohi mhandara chii uye hauzivi kuti matinji aripi pamunhukadzi.

Matinji ari kuzhe kwechitubu chomukadzi kudhonza hakunei nokubviswa humhandara hazvina kana kutombosanganiswa. vasikana vanotanga kudhonza panotanga kumumudza mazamu pamakore 11 zvichikwira. Kubviswa humhandara kunozoitika kubva pamakore 14 zvichikwira zvichibva nokuti mai vemusikana vane hunzenza hwakadii. Vasikana vanoreriwa zvakanaka vanozobva humhandara vapfuura makore 18.

Verenga pakahi "Kuziva mamirire akaita Mukadzi"

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/06/kuziva-mamirire-akaita-mukadzimurume.html

Anonymous said...

Makadii Mai Chibwe, mubvunzo wangu Uri maererano ne message yandawana iyi, ichokwadi here kuti zvakaita se Dota remabanana rinobatsira? Ndinotarisira mhinduro yenyu:

RECIPE YEMADZIMAI
KUKUDZA MATINJI
1.....paw paw leaves dry em en woputa like fodya
usanyanye anorebesa
2....mutohwe leaves dry em en woputa usanyanye again
3...rekeni yeblack pisa en wozora vaseline wodhonzesa
4....vaseline blue seal yakadaro can do futi
5...pisa manhenga ebat bat en mix w vaseline en dhonza
asina cme inbox
6....tora banana peels pisa en dota racho zora dont
dhonza ey do thega
7....nzungu kanga tile blek en mix w vaseline dhonza
8....zorera nhundurwa patutinji don't pull anozvimba but
paanoserera anenge atokura ukazviit kana ka4 unemge
wava bhoo
receipe yematinji iyo
Mupe vanomada????

Mai E Chibwe said...

Matinji anokuriswa nokudhonzwa. Zvimwe zvese zvatinoda hedu kuzoisa ipapo ndezvokungozvifadzawo hedu asi chinoita matinji akure kudzonza chete chete. Mafuta tinoashandisa kuti ganda risanyanyogwadza pakudhonza. Hapana mushonga unokudza matinji.

feliflex said...

informative

Anonymous said...

Ini ndiri murume wehikuru. Ndabve zera. Ndinotenda mai Chibwe kudzidzisa madzimai chivanhu. ndinopokana nemi kuti varume havazivi kuti matinji akadhonzwa here kana kwete. Amai vekwangu ndakaroora vakakwana. Ndakavaudza ndozvandinoda nekufarira tisati tazivana ndikazofara nazvo. Ndoda muzive bonde nemukadzi anematinji mahombe rinofamba. Mai vanotove munhamo kuvatiwa almost daily vachichemedzwa kazhinji kacho. Varume varikuwanda vave kuziva mukadzi anodawo kufadzwa. Mai yekwangu inogarotaura kuti even pane vamwe vanovaudza kuti vagere panyaya ye bonde nekuti vanogutswa, Neni. Matinji anobata chombo chababa neimwe nguva kwete pose, zvinounza kutapirirwa kwakanyanyisa kwandiri. Madziamaiwe dhonzai matinji. Vana baba vanozvida, uye vanotozvitsvaga. Inzwai neniwo ndiri murume. Mukadzi wese donza matinji ako zvakanakisa. Zvoratidza kukwana uye varume toada ari mahombe.

Anonymous said...

Ndinokwanisa kushandiswa nhundurwa here kudhonza uye zvoitwa sei zvichitora nguva yakareba sei

Anonymous said...

Hello I heard about using paw paw leaves and nhundurwa buh I don't know how hanq

Anonymous said...

Mubvunzo wangu uri pakuti u said matinji anotora makore kuti akure how come iwe uchidonza every day 12 months per year nyama dzekuzasi dzakaomarara tht much hr ?and shouldn't it show within weeks kuti akukura here?

Anonymous said...

Ndinokwanisawo here kudzora matinji akarebesa kana zvichikwanisika ndinoshandisa chii kuti aite madiki

Anonymous said...

Inini ndine 29 yrs handina matinji asi ndirikutomada, nhundurwa dzinoshandiswa sei pliz help

Anonymous said...

Inini ndine 29 yrs handina matinji asi ndirikumada ndakanzwa kuti nhundurwa dzino kudza matinji ndoda kuziva kuti dzinoshandiswa sei pliz help.