Saturday 21 July 2012

Nyaya yokuwacha mabhurugwa


Kana uri mukomana akazvarigwa muZimbabwe, zvinoita kuti uve unofunga kuti vanhukadzi muZimbabwe havapfeki mabhurugwa. Izvi zvinoitiswa nokuti unokwanisa kusvika makore makumi maviri usina kumboona bhurugwa rehama dzako dzaunogara nadzo muimba imwe chete, Mbuya, Mai, hazvanzi, maiguru, mainini, vatete, etc.

Nyaya inenge iripo ndeyokuti hauhwisis kuti sei vachinowacha dzimwe nhumbi dzavo asi haumbooni vachiwacha mabhurugwa avo. Zvinofamba sei? Takasvika sei pakadai?

Pamafungire edu isu, ukaona bhurugwa romukadzi watoona chitubu chake, nokuti bhurugwa iroro rinenge rakatomboswere rakazemberana nechitubu chake kwemazuva akawanda muupenyu hwaro. Saka murume ariona atoona chitubu charinofukidza. Hino pane zvitubu zvausingabvumigwi uona pavanhu vemhuri saka vanhu ava ndivo vanokudzivirira kuona mabhurugwa avo. Unotoona kuti mukadzi akaunganidza nhumbi dzokuaina, ukatari padziri hauwani mabhurugwa ake.  

Ngatichitarisazve kuti zvinofamba sei. Kana uri kumusha unowana kuti vakadzi vakawanda vanonogeza usiku kuti padsambowana munhu anodongorera vachigeza. Tiri kutaura vanhu vanogara kumusha kusina shawa kana imba yokugezera. Vanotanmga vadziisa mvura vozoidira mubhavhu vogeza. Munhu anogeza akamira azhe pebhavhu rine mvura, achhita mvura yokukupa namaoko achikupira pamuviri wake. Mamwa anombogara pasi okwesha muviri ne sipanji kana nebwe rokukweshesa. Ozokupazve mvura achisuka svina iya yaakwesha. Apedza kudaro anopatsanusa makumbo ogeza pachitubu. Pedzezvo anopukuta netawero opfeka dhirezi rake oenda kumba yokuvata.

Kazhinji pakugeza apa ndipo paanowacha bhurugwa rake rakasviba, obva arisvina kusvika rava nemvura shomashoma oenda naro muimba yake yokuvata orinikamo usiku hwese kusvika paanomuka. Kuseni anopfeka rimwe rakaoma oenda kundosakura mumunda. Pamwe haatopfeki bhurugwa kana ane zidhirezi rakareba rinodzivirira zvinoda kudzivirigwa.

Awa ndiwo maitire avanhu kumusha. Chinozonetsa ndechokuti kana uri kutawendi muchingova ne ONE ROOM. Unoona vakadzi vakuru vachinika mabhurugwa avo mutoireti kana vana vavata, pedzezvo vomukira vana vasati vamuka vobvisa mabhurugwa mutoireti voisa pamwe pakavanda.

Hazviiti kuti vanhu mungoona bhurugwa romukadzi wechiZImba rakayanikwa pawaya pazhe. Kuzvifumura ikoko. Hino kana tauya kuno kuDhayasipora, tinowana vakadzi vekuno vachitonika zvavo mabhurugwa avo pazhe vachiita sokuti hapana chakaipa, asi zve tinoona kuti varume vavakavakidzana navo vanoita rute nazvo. Murume wechirugu akaona bhurugwa romukadzi wepaNEXT DOOR anotanga kutofunga zvakaipa pamukadzi wacho, zvikuru kana akanaka mukadzi wacho. Vamwe vanotoba mabhurugwa acho hameno kuti anenge achiridii.

Saka izvi zvinoratidza kuti mafungire edu ndiwo ari nani. Bhurugwa romukadzi, nedzimwe hembhe dzomukati dzakaita se Bhuraziye yokubata mazamu, hadzifaniri kungoita sedzimwe nhumbi dzikupfeka. Munhu chengeta unhu hwako. Kuno tinoshandisa michini yokuwacha asi kana pane vashanyi vechirume, usangosiya bhurugwa rako riri pane dzimwe hembhe dzakasviba, kana kurinika pawaya pazhe panopfuura navanhu kana panookwa nevavakidzani. Hazvina unhu.

Ndakambohwa vamwe varume kubasa vachitaura vasingazivi kuti vari kuhwikwa. Umwe wacho aiti anofarira kunhuwidza bhurugwa remunhukadzi. Kwahi rinomuitisa zemo. Ini ndokuyeuka zvaiita bhuru redu kana rada mhou, raisvika rofembedza chitubu chemhou iya roita sokuteya mhepo, rofembedza futi kusvika rawana RESULT yariri kuda robva ratokwira mhou iya. Zvino ndizvo zvaitaugwa nomurume uyu, asi iye anofembedza bhurugwa. Hameno kuti anenge ariwana kupi.

Kozoita vamwe varume vechirungu vanofarira kupfeka mabhurugwa echikadzi. Kana kuchitonhora vamwe varume vanopfeka maTIGHTS evakadzi futi. Handifungi kuti zvakadai zviriko kuZimbabwe asi ukada kufunga matangire azvo kuno unoona kuti uripo musi wazvichatanga kweduwo.

Musarega vanhu vachiba mabhurugwa enyu. Hazvifaniri kuti bhurugwa rako rizowanikwa riri mumota yanhingi iwe usingatomuzivi munhu wacho.

Udzai Vamwe!!!

4 comments:

Anonymous said...

hide my id
kugara usina bhurugwa hakupinzi mhepo mumuviri nepachitubu here especially kana usina matinji

Mai E Chibwe said...

Mhepo inopinda napaiko nhaiwe. Kana yapinda yonogarepi? Mumuviri hamuna mhepo. Ukahwa vanhu vachiti munhu akapindwa nemhepo, zvinoreva kuti akatonhogwa umwe musi nokubva abata chokosoro. Inonzi "FIGURE OF SPEECH" pachirungu. hazvirevi kuti pane mhepo yakapinda mumunhu.

Matinji haasi okudzivirira mhepo.Ndeokuisa Decoration pamberi pemukadzi, kuti akanyorova matinji otsvedzerera zvokuti pakupinzwa chombo anotsvedza. Hakuna mukadzi asina matinji asi kungoti saizi dzacho dzakasiyana sezvakangoitawo saizi dzezvombo zvevarume. Kana murume ane chombo chidiki tingati haana chombo here?

Kupfeka bhurugwa chimanjemanje. Kare vanhukadzi vange vasingapfeki mabhurugwa. vaingofamba neNHEMBE sevarume asi kuti dzavo dzange dziri huru kupfuura dzevarume. Hakuna mhepo yainzi yapinda.

Anonymous said...

ichokwadi bhurugwa remukadzi wekuzim kuriona kwaro kunonetsa. Ini ndikatoona rakadhindikira paskirt ndinotonzwa nhengo yangu kuti vhiku vhiku

Anonymous said...

Saka nhengo yako inomirira bhurugwa here. Rega kutisetsa kudai.